Vanoshaya vobatsirwa

03 Mar, 2021 - 10:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reAngel of Hope Foundation – iro Patron waro anova mudzimai wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa – nezuro rakapa rubatsiro rwunosanganisira chikafu nemafuta anotanda zuva kuvanhu vane husope senzira yekuti vabatsirikane panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Rubatsiro urwu rwakatambidzwa kusangano reZimbabwe Albino Charity Organisation (ZIMAS).

Mai Mercy Maunganidze-Chimanga, avo vanova director  weZIMAS vari zvekare sachigaro wesangano rinoona nezvevakaremara, vanotenda Amai Mnangagwa nerutsigiro urwu vachiti rwauya panguva iyo rwanga rwuchidiwa.

“Vanhu vazhinji vane husope havana mabasa akati tsvetere nekudaro vanokundikana kuwana kana mari shoma yekuti vazviriritire nemhuri dzavo. Vazhinji vakanga vachiita mabasa ekutengesa kumisika asi pakauya chirongwa chelockdown vakambomiswa saka vanga vakangogara kumba,” vanodaro.

Mai Maunganidze-Chimanga vanoenderera mberi vachiti, “Tinotenda Hurumende, kuburikidza nemutungamiri wenyika President Mnangagwa, nekunyevenutsa zvimwe zvisungo zvelockdown apo vanoshanda mabasa akazvimiririra nevatengesi vemumisika vava kubvumidzwa kuitawo mabasa avo.

“Izvi zvichaita kuti nhengo dzedu nevamwe vanotambura vasangomirira kupemha rubatsiro asi kuti apo neapo vazvimiririre.”

Dzimwe nhengo dzesangano iri idzo dzakabatsirikana muchirongwa ichi dzonotendawo rubatsiro urwu.

“Mafuta emasunscreen lotions ari kudhura zvikuru muzvitoro zvemishonga. Amai Mnangagwa vaticheuka panguva iyo tange tiri kuchema nekuti twumari twose twatainge takasungirira twakapera mulockdown apo tanga tigere kudzimba,” anodaro Norman Utete.

Esther Mavura anoti chirwere cheCovid-19 chakawedzera matambudziko agara aine vanhu vakaremara.

“Ini ndaisihodha muriwo ndichitengesa asi mari yose yakapera kusanganisira yekuhodha yacho,” anodaro.

Kuchiti Lorraine Madiriza, uyo akambokwikwidza muchirongwa cheMiss Albinism Personality Zimbabwe mugore ra2019, anoti chikafu chava kudhura nokudaro kuuya kwechikafu ichi kuchaita kuti varerukirwe neraramo.

Hakasi kekutanga Amai Mnangagwa vachibatsira vanotambura sezvo nguva zhinji vari kushanyira vakaremara, vakwegura, vana vanochengetwa mumisha yenherera nekufundisa vechidiki tsika nemagariro, pakati pezvimwe, donzvo riri rekusimudzira raramo yevanhu.

Share This:

Sponsored Links