Vanoshaya vobatsirwa

24 Feb, 2021 - 16:02 0 Views
Vanoshaya vobatsirwa Vamwe vagari vekuEpworth vachipihwa rubatsiro nesangano neZICHIRE

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinoita tsvakurudzo nekunzvera nezveutano hweruzhinji, reZimbabwe Community Health Intervention Research (ZICHIRE), riri kubatsira vanhu munyaya dzezveutano panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 nezvinhu zvinosanganisira makondomu nemidziyo inoshandiswa nevanhukadzi panguva yavo yekutevera.

VaWalter Chikanya vanova director wesangano iri, vanoti kubva pakavamba vanhu kugara kudzimba nekuda kweCovid-19 mumwedzi waKurume gore rapera, vakatangawo kuwanisa vanhu makondomu sezvo vazhinji vasina mikana yekufamba kunotenga zvekuzvichengetedza pautano izvi.

“Sesangano rinobatsira veruzhinji pakutsvaga nekunzvera magariro avo neutsanana, tinobatsira nemakondomu uyewo nezvimwe zvinodiwa nevanhukadzi pautsanana panguva yavo yekutevera. Izvi takagara tichizviita kubva kare uye tikazosimbaradza rubatsiro urwu pakatanga denda reCovid-19 muno,” vanodaro VaChikanya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinobatsira vangava vechidiki – vakomana nevasikana – uyewo chembere neharahwa nekuda kwenzvimbo dzavagere. Tinonyanya kutarisa mhuri dzinoshaya tichibatsirwa nehutungamiri hwenzvimbo dzatinoshanyira.”

Vanoti apo vaicherechedza zuva reInternational Condom Day nguva pfupi yadarika, sangano ravo rakapa makondomu anokwana 32 205 kunzvimbo dzinosanganisira Epworth, Mbare neHopley, muguta reHarare.

“Tichishanyirawo nzvimbo idzi, takakwanisa kubatsira vanasikana nemadzimai nemapads ekushandisa panguva yavo yekutevera. Tinoziva panguva ino kuti vanhu vakagara kudzimba saka hapana kwavanokwanisa kuzvitenga,” vanodaro VaChikanya.

Zuva reInternational Condom Day rinocherechedzwa nemusi wa13 Kukadzi gore roga-roga sekurudziro yekuti vanhu vashandise makondomu panyaya yekudzivirira zvirwere zvepabonde uye kuronga mhuri.

Share This:

Sponsored Links