‘Vanotambura tarirai kunaMwari’

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
‘Vanotambura tarirai kunaMwari’ Dennis Nyakudya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wechidiki wemusambo weSungura ari kusimukira anoti zvakakosha kuti vanotambura vakadai senherera nechirikadzi vaise tariro yavo kunaMwari sezvo ari iye anoziva matambudziko avanenge vachisangana nawo mukurarama kwavo.

Dennis Nyakudya (31) wekuDomboshava akataura mashoko aya svondo rapera mushure mekubura dambarefu rake retatu rinonzi Nyasha Dzenyu iro rine rine rwiyo rwumwe chete ruri pamusoro pevanhu vanotambura.

“Dambarefu iri nderetatu uye ratova mumisika saka ndinokurudzira vateereri kuti vasapfuurwe naro nekuti rinokomborera zvikuru panyama nepamweya. Mudambarefu iri – Nyasha Dzenyu – ndinenge ndichipa taririro kune vese vanonetseka vakadai sezvirema, mapofu, shirikadzi nenherera kuti Mwari anemi anoziva nhunha dzenyu nekuti dzinopedzwa sei sezvo Mwari vaine nyasha nesu nekuti kana isu sevanhu venyama hatina simba pane zvese kunze kwaiye Mwari,” anodaro.

Nyakudya anoti anofara zvikuru nekuridzwa kuri kuitwa dambarefu rake iri panhepfenyuro dzakasiyana.

“Ndinofara zvikuru nekuwaniswa mikana yekuti ndinge ndichitaura nezvedambarefu rangu panhepfenyuro nekuridzwa kwariri kuitwa nekuti ndiyo bedzi nzira inoita kuti tinge tichizivikanwa uye vateereri vanobva vaona hunyanzvi hwedu pachinzvimbo chekuti tingowanikwa tichitengesa mhanzi iyi mumigwagwa,” anodaro.

Zvisinei, muchinda uyu anochema-chemawo nenyaya yepairesi achiti iri kudzosera mabasa avo kumashure.

“Sevaimbi tine basa guru rekuimba, kutenga michina yekuridzisa uye nenguva huru yatitonora tichigadzirira nezvimwe. Asi kune mbavha dzinongomiririra kuita mubikirwa webasa ratinenge taita vachibva variita ravo apo vanotengesa vachiita mari yakawanda kupinda isu. Ndiko kusaka pamwe pacho muchiona isu vaimbi tichigumisira tava kupinda mumaguta tichiedza kuzvitengesera tega mabasa edu nekuti nhau dzepairesi dzanetsa,” anodaro.

Mugore ra2016, Nyakudya akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Yambiro Yakanaka kuchizoti muna2017 akabura repiri – Hazvibvumirwi.

Nyakudya akaita zvidzidzo zvake zveO- Level paNyakudya Secondary School nepaParirewa High kuDomboshava kwakare.

Anoti chipo chekuimba chakatanga achiri mudiki kwazvo apo aiteerera vamwe vaimbi vemunharaunda maanogara vakadai sevechikwata cheDomboshava Giants chinotungamirirwa naGodknows Kembo.

Nyakudya ndiye anonyora pamwe nekubika nziyo dzechikwata chake uye dzimwe nhengo dzaanoimba nadzo dzinosanganisira Tamiranashe Dube naHoward Pinjisi  (backing vocals), Takesure Chari (lead guitar), Tapiwa Rupara (sub-rhythm), Howard Pinjisi (bass guitar) kuchizoti Wellington Machaya anoridza ngoma.

Share This:

Sponsored Links