Uncategorized

Vanotambura VODZIDZA PACHENA

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Vanotambura VODZIDZA PACHENA Vana vechikoro cheDzidzo Community School

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KANZURA weWard 5 yekuSt Mary’s, kuChitungwiza, Councillor Catherine Arumando — avo vanomiririra bato riri kutonga reZanu-PF — vari kuita mabasa makukutu ekubatsira vana vanotambura kuburikidza nekuvawanisa dzidzo yepachena.

Vana vepachikoro cheDzidzo Community School vari kufundira mukamuri yemba imwechete uye vanobvira padanho reEarly Childhood Development (ECD) kusvika Giredhi 7.

“Pano tine vana 150 vemazera akasiyana zvekuti tinotova nevamwe vatova nemakore gumi okuberekwa vari kuita Giredhi 1 chaiyo nekuti vakangokura vari munharaunda vasingaende kuchikoro nekuda kwekuti vabereki vavo vakavashaira mari.

“Vazhinji vatokura asi havagoni kunyora nekuti vaingochengetwa mudzimba. Ndicho chikonzero ndakafunga zano rekuti vana ava vawane dzidzo.

“Mukamuri yatiri kuvafundisira havakwani saka vamwe vanodzidzira panze. Takatanga tiine vana 120 asi tiri kuona vachiwedzera zvinoreva kuti dambudziko redzidzo muno iguru,” vanodaro Cllr Arumando, avo vanova ndivo bedzi kanzura wechidzimai muChitungwiza.

Vanoti vane varairidzi vana avo vanoshanda navo.“Ndakarwadziwa nemayarukiro ari kuita vana munharaunda mangu apo vari kubva mumhuri dzinotambura vanosanganisira vari kuchengetwa nanambuya, nherera uye vamwe vabereki hashandi. Kudzengerera kunoita vana munharaunda ndiko kunokonzera kunyuka kwechipfambi, humbavha, humhondi uye vamwe vachigumisira vava kushandiswa mumabasa emudzimba.

“Kana vana vachinge vapedza Giredhi 7, tinoita kuti vakwanise kunonyora bvunzo dzavo muzvikoro zvakanyoreswa kuti vazokwanisa kuendawo kuFomu 1,” vanodaro. Cllr Arumando vanoti vari kuomerwa zvikuru zvisinei nekuti vane shungu dzekuti vana ava vawane dzidzo.

“Patakatanga, takaiita sedambe tichifunga kuti tichabatsira vana vashoma asi vari kuwanda. Vana ava havana mabhuku ekunyorera, ekurava, zvinyoreso nezvekupfeka. Ndokusaka muchiona vakapfeka mayunifomu akasiyana avanotokumurirwawo nevane mwoyochena.

“Vanofunda vakagara pasi pazijira ratinowaridza nekuti hatina zvigaro. Vamwe vanouya pano vaine nzara zvekuti vanotobirana nekuda kwekushaya saka kudai tawanawo vanotitsigira,” vanodaro.

Mumwe wevarairidzi vepachikoro apa, VaRobert Chapata, vanoti vanoona paine mikana mikuru yekubudirira mudzidzo kwevana ava.

Vangada kutsigira chikoro ichi vakasununguka kubata Cllr Arumando panhare dzinoti 0772 305 012.

Chikoro ichi chakavambwa munaNdira wegore rino.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti nzvimbo inodzidzira vana ava idiki uye haina zvimbuzi zvakakwana kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevadzidzi varipo. Kune zvikoro zvakawanda zverudzi urwu zviri kutekeshera mumaguta nemumaruwa apo vana vanofundira panze kana mudzimba dzisina kukodzera zvinova zvinokanganisa budiriro yedzidzo.

Chikamu chebumbiro remutemo wenyika cheSection 75 chinopa kodzero yedzidzo kumwana wose iyo inotsigirwa neHurumende.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekuvakisa zvimwe zvikoro 10 papurovhinzi yoga-yoga gore rino nechinangwa chekuderedza kushomeka kwazvo sezvo kuri kudiwa zvimwe 3 000 zvepuraimari nesekondari munyika yose.

Gore radarika, Hurumende yakavakisa zvimwe zvikoro 18 mumapurovhinzi masere, kozoti mamwe mapoka akazvimirira akavakawo zvikoro 150.

Share This:

Sponsored Links