Vanotengesa minda voyambirwa

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Vanotengesa minda voyambirwa Sabhuku Nhemachena vachitaridza chibage chavo chinyoro chavari kurima muminda yemadiridziro kwaMambo Chipuriro, kuGuruve. — Mufananidzo naNicholas Bakili.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vari kuita tsika yekutengesa minda yavo pamwe nekuirendesa kune vamwe voyambirwa kuti vasiyane netsika iyi sezvo zvichidzosera mabasa ekurima kumashure.
Sabhuku Nhemachena VaIson Nhemachena (72) vekwaMambo Chipuriro, kuGuruve vanoti kune vagari vemumusha wavo nemimwe yakakomberedza nzvimbo yeGuruve Growth Point vari kuita tsika yekutengesa minda kana kurendesa kune vari kubva kure ivo vachisara vaine nzara mudzimba dzavo vasingarime.

“Tine varimi vazhinji vane minda yakatevedza rwizi rwaDande uko kune madhamu maviri anoti Dande neChimanikire anowanisa minda iyi mvura yekudiridzira. Kune vamwe vana vakasiirwa minda nevabereki vavo iyo vasingade kurima vave kupota vachitengesa uyewo nekurendesa kune varimi vari kubva kure zvinova zvatisingakurudzire zvachose,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hongu, minda yavari kutengesa nekurendesa iyo vakasiirwa nevabereki vavo asi kutengesa minda hakupedze nhamo. Kurima ndiwo musimboti wekupfuma, tinonzwa kuti vamwe vanokwanisa kupihwa $100 kana mari shoma vachirendesa munda wakakura hekita pamwaka wese wekurima. Dai munhu uyu airima munda uyu aikwanisa kuwana mari yakawanda zvikuru.

“Varimi vari kutenga minda iyi nevanorenda vacho vari kutenga matarakita nemarori apo ivo vachipedza tumari twavanopihwa nekutenga chingwa netumwe tunonaka,” vanodaro Sabhuku Nhemachena.

Vanoti vane hurongwa hwekusvitsa nyaya yekutengeswa kweminda iyi kwaMambo Chipuriro kana kumahofisi amudzviti weko kuti igadziriswe.

“Ivhu hariberekane kana kukura zvinoreva kuti vanhu vari kutengesa ivhu ava vachatambudzika nekufamba kwenguva vave kuzoshaya kwekurima kana vana vavo,” vanodaro.

Vanoti muminda iyi munorimwa zvirimwa nguva yose yegore izvo zvasimudzira zvikuru vamwe vagari venzvimbo iyi avo vari kurima zvinosanganisira mbatatisi, muriwo, bhinzi, chibage nematomatisi vachitengesa munzvimbo yemabhizinesi yeGuruve nekumwewo.

Sabhuku Nhemachena – avo vanova mumwe wevanorima muminda yemadiridziro iyi – vanoti upenyu hwavo hwasimuka zvikuru nekurima vachitengesa.

“Zvirimwa zvizhinji muno zvinotengeswa zviri zvinyoro sechibage chandinorima ini. Tinoshandisa mahinjini kuita basa iri mvura yacho haiperi, zvino woona mumwe munhu wotengesa munda nekuda ka$100!” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey