‘Vanotengesa muviri vanoda kudzivirirwa’

26 Feb, 2021 - 12:02 0 Views
‘Vanotengesa muviri  vanoda kudzivirirwa’ Tariro Makanga-Chikumbirike

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vanonzi vari panjodzi huru yekutapurirwa kana kutapurira vamwe – kusanganisira vavanodanana navo – chirwere cheCovid-19.

Nokudaro kune mapoka ari kukurudzira kuti kudai vanhu ivava vawaniswa dziviriro inosanganisira mamasiki, kubaiwa majekiseni nemasanitizer nekukasika.

Kwayedza inokurukura vevamwe vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo pamwe chete nemapoka akasiyana avo vanopa mafungiro avo.

Pari zvino Zimbabwe iri mushishi nechirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira kubatwa neCovid-19 kuvashandi vari pamberi mukurwisa kupararira kwechirwere ichi avo vanosanganisira vari mune zveutano.

Vamwe vevanoita mabasa ekutengesa miviri – avo tinochengetedza mazita avo – vanoti vanozviziva kuti vari panjodzi yekutapurirwa kana kutapurira vanodanana navo chirwere ichi asi hapana zvavangaite nekuti nhamo ndiyo iri kuvatuma kuita mabasa aya.

“Ini ndine vana vatatu vose vachiri kuchikoro kupuraimari. Ndaimboshanda pane imwe kambani ndichiita zvekubika asi munguva yelockdown yakabva yavhara tikanzi timbogara kumba. Tichazodzokera kana chirongwa ichi chapera, zvino chiri kungoramba chichipamhidzirwa nekuti Covid-19 haisati yapera. Ndokusaka ndave kutotengesa muviri zveupenyu hwose.

“Kare ndaizviita apo neapo. Chirwere cheCovid-19 ndinoziva kuti chiriko asi chinonetsa kudzivirira nekuti hapana pandingaita bonde paindaneti ndichishanda ndiri kumba sezvinoita vamwe vashandi, ndinotofanirwa kusangana nekasitoma yangu,” anodaro Vimbai.

Mumwe wake, Sophia, anoti anongopfeka masiki asi haana mari yekutenga sanitizer sezvo vavariro yake iri yekuwana chikafu chemhuri.

“Pamwe pacho tinoenda kumiganhu yenyika sekuChirundu kana kuBeitbridge tichitakurwa nemagonyeti. Asi mari haisi kuwanikwa mulockdown nokudaro mamwe makasitoma edu anotibhadhara nemagirosari zvichitofamba. Shuviro yedu ndeyekuti kudai Covid-19 yapera nekuti iri kutisungira zvinhu. Vanhu vava kutitya vachiti pamwe tinacho chirwere ichi sezvo tichisangana nevanhu vakawanda.

“Kana iko kubaiwa majekiseni ekudzivirira kana tikawaniswa mukana tinoda,” anodaro Sophia, uyo anogara kuEpworth.

VaNgonidzashe Mapamula – avo vakafanobata chigaro chaDirector of Health and Enviromental Services wedhorobha reMasvingo – vanoti vamwe vanoita basa rekutengesa muviri munzvimbo iyi vave kutotsvaga vekudanana navo kuburikidza nekuzvishambadza pazvikwangwari.

“Sekuno kuMasvingo, Covid-19 yavasungira zvinhu zvokwadi nekuti vanhu vari kutya chirwere ichi kudarika HIV. Chinouraya nekukasika uye hachisati chava nemishonga inochirapa. Saka vasikana ava vava kutonyora pazvikwangwari kuti vanotengesa miviri vachiisa nemifananidzo nenhamba dzavo. Vamwe ndivo vari kuenda kunzvimbo dzezvicherwa vachitevera makorokoza kuti vasasungwa,” vanodaro.

VaMapamula vanoti vane zvirongwa zvavari kuita vakabatana nevamwe vatsigiri vanosanganisira National Aids Council nePopulation Service International mukuona kuti vanoita basa rekutengesa miviri vawaniswa zvekushandisa mukudzivirira Covid-19 nezvimwe zvirwere seAids.

Mai Nyembezi Harriet Manika, vanova Community Health Worker kwaMutare, vanotiwo, “Kudai zvaibvira panguva ino vanhu vari mumabasa aya vawaniswa mamwe mabasa ekuita sekurima vachitengesa, kusona, kuveza nezvimwe nekuti chirwere ichi hachingaperi kana vasiri kuchengetedzwa.”

Nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko, Tariro Makanga-Chikumbirike, anoti zvakakosha kuti vanoita mabasa ekutengesa miviri varangarirwe muzvirongwa zvekurwisa Covid-19.

“Basa ravo rinoda kusangana nevanhu panyama, saka rinoti netsei kuti tikwanise kurwisa chirwere cheCovid-19 nokudaro sekurwiswa kuri kuitwa HIV, vanhu ava vanofanira kuiswa muzvirongwa zvine chekuita nekupedza Covid-19,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey