Vanozongoona sadza rava nyoka, madzvinyu

04 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Vanozongoona sadza rava nyoka, madzvinyu Mhuri yekwaNyamahumba

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MWEDZI mishoma yapfuura, nyoka, nemadzvinyu zvakatangas kungooneka mumapoto eimwe mhuri yekuNyanga pose pavanogadzira chikafu chavo.

Vakapakura chikafu kuti vachidya, vanozongoona ava madzvinyu nenyoka.

Zvimwe zvinhu zvinoshamisa zvinoonekwa pamitambo inopfekedzwa mwana sepamanapukeni.

Zvose izvi zviri kuitika mubhuku raNyamahumba riri kuNyanga.

Mashura aya ari kuramba achiwedzera kubva munaKukadzi apo mhuri iyi yakazokwidza nyaya iyi kudare raMambo Saunyama.

Mumwe wemhuri iyi, Matthew Nyamahumba, anoti zvikara zviri kuonekwa izvi zviri kuwedzera zuva nezuva.

Anoti mhuri yake yave kugara ichitya sezvo zvipukanana izvi zvave kupinda mudzimba dzekurara dzemhuri iyi uye kwekubikira.

Izvi zvakabuda apo nyaya iyi yainzwikwa mudare revakafanobata chigaro chaMambo Saunyama kuti pane ari kutsvaga rombo rakanaka remari uyo ari kushandisa mishonga yatambudza mhuri iyi.

Mukuru wemhuri iyi, Sekuru Johannes Nyamahumba ndivo vari kupomerwa kuti vakatsvaga mishonga iyi kare.

Madzvinyu

Zvisinei, musharukwa uyu ari kuzviramba.

Paiitwa nyaya iyi munaKukadzi, vemhuri yekwaNyamahumba vakanzi vaende kun’anga dzakasiyana kwaMakoni, kwaZimunya, kwaMarange nekwaMutasa kuti vazive chokwadi chiri kukonzeresa izvi.

Matthew anoti mukoma wake, Sekuru Johannes Nyamahumba, ari kuregerera mhuri yavo.

“N’anga dzose dzatakaenda dzakatiudza kuti mukoma Johannes ndivo vari kukonzeresa izvi ivo vacho varipowo. Vari kufanirwa kubhadhara chikwereti kumunhu wavakatengera zvinhu izvi.

“Akatovimbisa n’anga yakatibatsira kuti aizobhadhara nemombe asi patakadzoka vakabva vabvisa mombe dzavo, hatizive kuti vakadziendesa kupi uye vakaita izvi pasina aiziva,” anodaro Matthew.

“Ndipo pakabva pawedzera kuoma kwezvinhu. Zvipukanana izvi zvakabva zvatanga kuwedzera. Musha wedu wazara zvipukanana izvi uye zvave kungoonekwa pose pose kusanganisira nemumapoto nemuzvitovhu patinenge tichigadzirira kubika.

“Zviri kuwanikwawo chero kudzimba dzekurara nemumitambo yemwana wangu. Zvave kutyisa, kazhinji tinorasa chikafu chatinenge tagadzira nekuda kwezvikara izvi,” anodaro Matthew.

Anoti izvi zviri kuitikawo kumadzikoma ake.

“Tiri kumanikidzwa kugara nezvipukanana izvi nekuti hatina kumwe kwekuenda. Tinoshangurudzika nekuda kwemukoma wangu ane makaro. Akatsvaga mushonga weraki akatadza kubhadhara wacho akamupa.

“Ndakafirwa nemwana nekuda kwenyaya iyi. Mukoma wangu Lovemore akarasikirwawo nemwana asi Johannes anoramba achitenderera pakubhadhara n’anga yakamupa mushonga uyu. Zvino tave kutya kuti mhuri yose ichatsvairwa,” anodaro Matthew.

Dare ramambo rinoti Sekuru Nyamahumba vanofanira kubhadhara n’anga yavasina kupa muripo wayo iyi.

“Akaendesa mombe dzake kusingazivikanwe semucherechedzo wekuti haadi kubhadhara. Tichamumirira kusvika pfungwa dzake dzagadzikana ogadzirisa chikwereti chaainacho kuti mhuri yake isunungurwe kubva kudambudziko iri.”

Sekuru Nyamahumba havana kuenda kudare apo mhuri yavo yakauya neChishanu vhiki rapera.

Zvisinei, Sekuru Nyamahumba pavakambopinda mudare iri nguva yadarika, vakaramba nyaya yekuti vari kukonzeresa kunetseka kuri kuita mumhuri yavo uku.

Vakaramba nyaya yekuti ndivo vari kukonzeresa ndufu.

“Mwana waMatthew akafa nekurohwa nemagetsi mushure mekukwira bango remagetsi. Zvine chekuita nehuroyi here izvozvo?

Kwakanga kusina magetsi paakakwira asi magetsi akadzoka iye aripo. Vave kundipomera kuti ndini ndakakonzeresa rufu urwu,” vakadaro  Sekuru Nyamahumba pavakambopinda mudare.

“Handina chakaipa chandakaita uye ndinoda kuti zita rangu risasvibiswe munharaunda. Ndakagadzirira kuenda kune ipi n’anga kuti ndichenese zita rangu,” vakadaro.

Sekuru Nyamahumba vanoti havana kumboona nyoka kana madzvinhu pamba pemunin’ina wavo vachiti kana chiri chokwadi zvinoreva kuti Matthew ndiye muridzi wezvinhu izvi sezvo achinzi ane zvidhoma.

Share This:

Sponsored Links