Uncategorized

Vanwi vedoro vosekerera

07 Oct, 2021 - 17:10 0 Views
Vanwi vedoro  vosekerera Maxwell Makisi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vanotambira nemaoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekutendera kuti vemabhizimisi emabhawa nemanight club vachivhura bedzi kuvanhu vakabaiwa nhomba dzose dziri mbiri dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 uye vachitevedzera matanho enyika neesangano reWorld Health Organisation (WHO) ekurwisa denda iri.

Dare reCabinet nemusi weChipiri rakazivisa nezvedanho rekuti mabhawa nemanight club akanyoreswa zviri mutemo achivhurwa uye kuti vemabhizimisi aya vacherechedze nguva inotenderwa kushanda (curfew).

Pasi pemitemo yekurwisa Covid-19, vemabhizimisi vanofanirwa kuvhura na8 dzemangwanani kusvika na7 dzemanheru, uye veruzhinji havatenderwe kufamba kubva nenguva dza10 husiku kusvika 5.30 dzemangwanani.

Kwayedza inokurukura nevanhu vemazera akasiyana avo vanoti vanotambira nemaoko maviri kuvhurwa kwemabhawa.

“Kuvharwa kwemabhawa kwanga kwava kuita kuti vana vambunyikidzwe nekuti vanhu vainwira doro mudzimba nemumashabhini ayo aivhurwa nerweseri. Saka zviri nani kuti mabhawa avhurwe vanhu vanwire panzvimbo dzakakodzera, chero vakazouya kumba vadhakwa pamwe pacho vana vanenge varara. Hurumende ndinoitenda nedanho iri,” vanodaro VaDarlington Mudimu vekuMbare, muguta reHarare.

 Violet Chayambuka, uyo anoshanda murimwe bhawa riri muHarare, anoti zvakakosha kuti vanwi vedoro vadzivirirwe kuCovid-19 kuburikidza nekubaiwa majekiseni sezvo zvichibatsira mukuderedza kupararira kwedenda iri.

“Bhisimusi rekutengesa doro rine mukana wakakura wekutapurirana chirwere ichi nekuti tinotambidzana mari uye vanhu vanofarira kuungana. Saka kana vachinge vakadzivirirwa ndinovimba zvinobatsira zvikuru kuti kunyangwe isu vatengesi tisatapurirwe,” anodaro.

VaProud Chirima vanoti danho iri rava kuvatuma kuti vachinobaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 sezvo vari munhu anofarira kutambira kumabhawa vachinwa zvavo doro.

Mumwe mudzimai – uyo anoda kungozivikanwa nekuti Amai Munashe – anoti kunwira doro kumabhawa kunoderedzawo mhirizhonga mudzimba nekuti dzimwe nguva vamwe vanhukadzi vanogona kuzoona doro rakawanda mumba, asi musina chikafu zvomutsa kusawirirana.

Asi VaJohn Tafirapapi vanoti zvinogona kunetsa kuti vemabhawa vabvunze makasitoma avo paanenge achipinda kuti vavaratidze makadhi ekubaiwa nhomba dzeCovid-19 sezvo vanenge vachida mari.

“Bhawa ibhizimusi rinoda mari nekukasika kuti irambe ichitenderera nekuti purofiti ishoma, saka zvinoti netsei kuti varidzi vemabhawa vazoti tinoda vakabaiwa chete nekuti vanopedzisira vava kudzinga makasitoma vachibva vaenda havo kumashabhini kusingabvunzwe makadhi. Zvinonetsa zvekare munhu anenge akadhakwa kuti azochengetedza kadhi rake saka mikana yekurasika inowanda.

“Sekuona kwangu, ndinoti kudai mabhawa aramba akavharwa vanhu vangotenga vachinwira kudzimba,” vanodaro.

VaFrancis Ngoda vanoti vanhu vanofanira kunwa doro ravo asi vachikasika kuzoenda kudzimba kuitira kuti vakwanise kubata nguva dzecurfew.

“Kuvhurwa kwemabhawa kwakakosha nekuti kunyangwe munguva yaainge asati abvumidzwa kuvhurwa, vanhu vaingotengesa doro nerweseri,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links