Vaponderana sadza remahara papurazi

04 Oct, 2022 - 14:10 0 Views
Vaponderana sadza remahara papurazi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VASHANDI vaviri vepapurazi reDrummond riri kuNorton vanonzi vakapondana vachirwira sadza remahara rinopihwa vasevenzi vepapurazi apa.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, Inspector Margarate Chitove, vanoti akapondwa ndiTrymore Gent uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa.

Vanoti nemusi wa24 Gunyana nenguva dza5 zuva rodoka, Gent neshamwari dzake mbiri dzinoti Felix Chatsakana (20) naGlanny Rongani (21) vakabva mukomboni yepapurazi apa vachienda kunzvimbo yemabhizimisi yeLydiate nechinangwa chekunonwa doro nekuvaraidzwa nemutambo wezvigure.

Pavainwa doro kudaro, Simbarashe Nhete (31), uyo anonzi akambenge anetsana naGent nenyaya yesadza kubasa sezvo vachishanda vose, anonzi akasvika pavainge vagere vachinwa doro ndokumuyeuchidza nyaya yekunetsana kwavo kubasa achiti zvaiva zvamurwadza zvikuru.

“Simbarashe Nhete akasvika panzvimbo yainwira vatatu ava doro ndokutaurira Gent kuti aiva amukanganisira zvikuru kubasa masikati nekumudzikisira pasi nezvaakanga aita. Ipapo akamuvhundutsira nekumuzivisa kuti achazviona nekuda kwezvaakanga aita izvi, vakaenderera zvavo mberi nekunwa doro,” vanodaro Insp Chitove.

Gent nevamwe vake vaviri vanonzi vakazobva pabhawa nenguva dza11 husiku vave kuenda kumba, Nhete anonzi akazongobuda nemusango mukati merima ndokusvikotaura naRongani achitsvaga Gent kuti amurwise.

“Nhete akazoenda kuna Gent ndokutanga kurwisana naye mukati merima apo vamwe ava vakazonzwa Gent ave kuridza mhere achiti aiva abaiwa nabanga. Vamwe vaivapo ava vakazoedza kudzivisa asi pakanga pasisina chibetsero nekuti akanga abaiwa kare.

“Simbarashe Nhete anonzi aona kuti apara mhosva, akabva atiza panzvimbo iyi ndokunohwanda,” vanodaro Insp Chitove.

Gent, uyo akanga ava kuda kusvika pamba pake, anonzi akazofamba kwechinhambwe chidiki ndokunopunzikira pamusiwo wemba yake.

“Gent paakadonha, maneja wepapurazi apa anonzi Chamunorwa Chamunorwa akaziviswa nezvechiitiko ichi ndokuenda kunoona vakawana mutumbi waTrymore Gent wakarara chinhambwe chemita imwe chete kubva pamusiwo wemba yake.

“Vakazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP ekuNorton Urban. Simbarashe Nhete akazosungwa akahwanda kumba kwaEmmanuel Matika anova shamwari yake,” vanodaro Insp Chitove.

“Tinogara tichikurudzira vanhu kuti kana vatadzirana vasiyane netsika yekurwisana nekuti zvinoguma zvakonzera kurasikirwa kweupenyu sezvakaitika izvi. Nyaya dzinogadziriswa tikazivisa vamwe vakuru mumatunhu matinogara semafundisi nemasabhuku nemadzishe.”

Share This:

Sponsored Links