Varamu chiname pa‘lodge’

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Varamu chiname pa‘lodge’ Farai Manyati naTafadzwa Chiwombe vachichema. — Mifananidzo naTertia Makurumidze

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI akaroorwa anogara muHarare asi kumusha achibva kwaMurehwa, pamwe chete nemuramu, munin’ina wemurume wake — avo vekunoshereketa paimwe “lodge” iri kuEastlea, muguta iri — vava kuzvidemba mushure mekunge vaviri ava vaita chiname kunamirana vari pakati pekusasana.

Nyaya inonyadzisa iyi yakabuda pachena apo vaviri ava vakatanga nekubongomora vachichema pavainge votsvaga kubatsirwa vakazvivharira muimba yavaigoverana rudo.

Murume wemukadzi uyu anoshanda semutyairi wemagonyeti uye anonzi ari kuDemocratic Republic of Congo (DRC).

Kuti nyaya iyi izoputika, zvinonzi maiguru nababamudiki ava pavakaona kuti mutambo wakora muto, vakaridzira nhare mukuru wesangano rinoita zvechivanhu reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiyero, votsvaga rubatsiro.

Zinatha ndiyo yakavanunura kuburikidza nekuvapa imwe n’anga iyo ichiri kuvashandira sezvo vose vari kuchaya manyoka zvisina akamboona.

Farai Manyati (36) nemuramu wake Tafadzwa Chiwombe (35) ndivo vanonzi vakaita maawa maviri vakanamirana  pa‘‘lodge” apa.

Amai vaChiwombe nevemurume waManyati mukoma nemunin’ina.

Kwayedza yakaonana nemudzimai uyu pamwe chete nemuramu wake kumba kwavari kubatsirwa kuTynwald North, muHarare, apo vose vanotsinhira nyaya yekuti vakanamirana apo vaishereketa.

Manyati anodemba achiti aisaziva kuti akaiswa runyoka.

Farai Manyati

Anoti akasvika pakudanana nemuramu wake sezvo murume wake achigara nguva zhinji asipo semutyairi wemagonyeti.

“Ndakaroorana nemurume wangu makore 15 akadarika achingova mutyairi wemagonyeti uye tine vana vaviri. Paanouya kumba anenge akaneta, obva adarikira nebasa.

“Saka ini semunhuwo nekuda kupedza nhomba yemurume, ndakazodanana nababamudiki — handina kuda kubuda kunze.

“Sezvo baba vapedza masvondo mana vaenda kuDRC vachibva nekuNamibia, nemusi weChina wadarika ndakazotorana nababamudiki avo ndava nemakore maviri ndichidanana navo, ndokuronga kunosasana tose kekutanga apo takazonamirirana,” anodaro Farai.

Manyati anoti kunyangwe murume wake akatora zororo, haagare pamba sezvo achifarira zvekutengesa-tengesa zvinhu zvakasiyana, nekudaro anoenda kunzvimbo dzakasiyana sekuDarwendale, Mutare, kana Bulawayo asingawane nguva naye.

“Takanopinda mulodge ndokutanga . . ., asi ndakazonzwa sekunge ndaida kusununguka mwana, kuita sendine pamuviri mudumbu mangu muchipisa. Mumwe wangu akangotangawo kuchema nekurwadziwa ndokuziva kuti mutambo waiva waipa.

“Takazotsvaga rubatsiro ndokuridzira nhare VaGeorge Kandiyero vekuZinatha apo takazopihwa nhamba dzemumwe chiremba uyo vakazouya naye vari vaviri kuzotibatsira. Takasvikozorwa mishonga pasikarudzi dzedu nekunwiswa mumwe ndokuzosunungurana,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti panguva iyi miviri yavo vose yakanga yava kubuda dikita raipisa vachiita sevadirwa mvura.

“Mumwe wangu akanga ava kutadza kutaura, apera simba. Inini mudumbu mangu maikwata semadirwa mvura inopisa.

“Vabereki vangu vose vakashaika, nyaya iyi hakuna vehukama vati vaiziva nekuti ndakanga ndatiza kumba ndichisiya vana vari voga.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waManyati.

“Izvozvi tiri kuno kuimba yeZinatha uko tiri kurapwa nekubatsirwa kusvika taita zvakanaka. Ndakamirira kuti murume wangu akauya vanhu vaviri vachagona kutiyananisa ndiVaKandiyero nachiremba uyu, hamheno kuti achabvuma kuramba achigara neni here kana kuti kwava kuparara kwemba,” anodaro mudzimai uyu achinyaririra.

Anotenda Zinatha nekuvabatsira kwayakaita nekuti “tose tingadai takafa”.

“Ndinoti kumadzimai vakaroorwa ngavagutsikane nedzimba dzavo, ndichitiwo kuvarume ngavatigutse nerudo sezvo takavinga izvozvo. Kumakambani emagonyeti ndinoti ngavaite kuti tiwane nguva nevarume vedu,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti chibereko neguvhu rake zviri kumurwadza zvikuru.

Chiwombe akangoudza Kwayedza kuti achiri kurwadziwa ndokubva atanga kubongomora kuchema.

Tafadzwa Chiwombe

“Muviri wangu wose uri kurwadza zvikuru, handigone kutaura nemi zvakawanda I’m sorry.

“Ndaimbenge ndakaroora asi ndikarambana nemudzimai uye ndine vana vaviri,” anodaro Chiwombe achiedza kuhwandisa chiso chake kuti asatorwe mifananidzo.

Pakasvika Kwayedza kuimba yavari kugariswa, vaviri ava vainzi vachiri kungoita manyoka akanyanya nekurutsa.

VaKandiyero vanotsinhira kuKwayedza nezvenyaya iyi.

“Tine mudzimai akaroorwa pamwe chete nemuramu wake avo vakatazoendera paimwe lodge apo vainge vakanamirana. Zvinoratidza kuti mudzimai uyu akasungwa nerukawo asingazive, ndokutozozviziva vaenda kunosasana nechikomba.

“Takasvikako ini ndatanga ndashevedza chiremba wedu anobva kuMalawi anova ndiye akazoita kuti vaviri ava vatupfunurane asi panguva iyi vose vakanga vasisina simba voita sevanoda kufenda. SeZinatha, takavatora ndokuvaendesa kunogara nemumwe chiremba wedu uko vari kurapwa uye vava kunzwa zviri nani,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti nyaya yavasiri kuziva ndeyekuti murume wemudzimai uyu akazviziva here kuti ndizvo zvakaitika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey