Vari kupora voderera

19 Jan, 2021 - 09:01 0 Views
Vari kupora voderera Dr Mahomva

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KUWANDA kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19 kwava kupa mutoro kune zvekushandisa mukurwisa denda iri izvo zviri kudzosera kumashure nyaya dzinosanganisira kuronda vanhu vakambosangana nevane chirwere ichi nevari kupona zvichibva zvaita kuti huwandu hwevari kupona huite sekunge hwakaderera zvikuru.

Chikamu chevari kupona kubva kuCovid-19 pari zvino chadzikira kuenda pa59 percent, kubva pa92 percent apo pakatanga denda iri gore rapera.

Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti pane zvikwata zviri kuita ongororo yakasimba pari zvino yekuronda vanhu vane chitsama vari kurwara neCovid-19.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 27 203 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 16 512 vakatopona asi vamwe 713 vakafa.

“Vakawanda vanoshushikana nechikamu chevarwere vari kupona kubva kudenda iri icho chinoratidza kuti chakadzikira zvikuru,” vanodaro Dr Mahomva.

“Panguva yakange yakawanda nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi apo chakatanga kunyuka, vanhu vaipona vaisvika chikamu che92 percent asi pari zvino chikamu ichi chiri pa53,3 percent.

“Kuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi kubvira nguva pfupi yadarika, kwapa mutoro mukuru kune zvikwata zviri kumatunhu enyika izvo zviri kuronda vanhu vakambosangana nevane denda iri nekuda kwehuwandu hwavo. Zvikwata izvi zvange zvichikoshesa kuronda avo vakambosangana nevari kunyanya kurwara chete sezvo vakadai vanoda kubatsirwa nekukasika,” vanodaro.

Dr Mahomva vanoti Zimbabwe pari zvino iri mushishi kugadzirira kuzogoverwa kwemushonga wekudzivirira Covid-19 (vaccines) kumatunhu ose enyika.

“Zvimwe zvatiri kuita kugadzirira kuzogoverwa kwemushonga wekudzivirira chirwere ichi kana uchinge wauya.

“Pane zvakawanda zvatinofanirwa kuita – kusanganisira kuti ndiani achabaiwa majekiseni aya, huwandu hwevanhu vacho uye kuti mushonga wacho unosvitswa kwavari sei,” vanodaro Dr Mahomva.

Zimbabwe inotarisirwa kuwana majekiseni anodarika 3 miriyoni ayo anokosha US$20 miriyoni pasi pechirongwa chiri kutungamirirwa nesangano remubatanidzwa reAfrica Union.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>