Varidzi vedzimba, maroja garisanai

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views
Varidzi vedzimba, maroja garisanai

Kwayedza

kwayedza
NYAYA dzekugaronetsana pakati pevanhu vanoroja kana kuti kurenda dzimba nevaridzi vedzimba ihukutu.
Kakawanda unonzwa vanoroja vachichema-chema pamusoro pemabatirwo avanoitwa nevaridzi vedzimba dzavanoroja. Nekune rimwe divi vamwe varidzi vedzimba, ma “landlord”, vanogunun’una nezvavanoitirwa nemaroja. Zvichireva kuti mumwe nemumwe anenge aine zvipomerwa pamusoro pemumwe. Zviri kunzungu nekunyimo!

Semuenzaniso, tine imwe nyaya yatinayo svondo rino, yemunhu airoja pane imwe imba kuChitungwiza uyo akabatwa nemhosva mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts yekurova pamwe nekuruma muridzi wepamba paairoja mushure mekunge vanetsana.

Vaviri ava vakanetsana apo murume airoja uyu akada kubva pamba apa asina kugadzirisa fafitera raakange apunza zvinova zvakatuma muridzi wemba kuti ade kumubatira mudziyo ichibva yave batai-batai.

Muridzi wemba paakaona nyaya iyi yakora muto, muromo watorumwa kare, akabva azoenda kumapurisa.
Zviri pachena kuti murume airoja uyu aida kuiita chitsotsi chisina musoro nekuti kana munhu uchinge wapunza mudziyo wemuridzi unofanirwa kugadzirisa. Waunoda kuti akugadzirisire pawakaparadza ndiani? Nyaya dzakadai idzi ndidzo dzimwe dzinoita kuti masadzimba nemaroja vagare upenyu hunenge hwegonzo nechin’ai.

Sekutaura kwevakuru, hakunai mvura isina chura, zvichireva kuti kumativi ose, angave maroja kana masadzimba kunogona kuwana vanoda kubatirira vamwe mumagariro avanenge vakaita.

Kune nyaya dzakawanda dzinobuda dzevamwe vanhu vanoroja avo vanoti vanobatwa nekuseri kwemawoko nevaridzi vedzimba dzavanenge vachigara. Vamwe vanoti havaratidzwe magwaro akaita seemagetsi nemvura pakupera kwedzi asi vachingonzi nemuridzi wemba vabhadhare mari dzavasingazive kuti dzinenge dziri dzei. Vamwe vanopihwa mitemo yakaita senguva dzekupinda pamba, chikafu chavanotenderwa kudya kana huwandu hwehama neshamwari dzinofanirwa kuvabvakachira. Mhosva yacho iri yekuti “roja harina imba”.

Zvinonzi muridzi wemba dzimwe nguva anongoti magetsi kana mvura mwedzi uno zvakaita mari yakati asina kuratidza vaagere nawo magwaro acho. Semaonero edu, uku kubata vamwe vanhu hunhapwa chaihwo nekuti hazvina basa kuti munhu ari kuroja ane kodzero dzake nekudaro anofanirwa kunge achiratidzwa gwaro, ringave remvura kana magetsi kuti agobvisa mari yake akasununguka. Asika tose hatingapere kuita dzimba.

Anozorojera mumwe ndiyani? Tikada kunyatsodzamisa pfungwa tinoona kuti vashoma vanhu vakangotanga vachigara mudzimba dzavo sezvo vazhinji vakambotanga vari marojawo. Mukana chete unenge usati wasvika kuti munhu akwanise kuita imba yake nekudaro hazvina kunaka kubatana nekunze kwemawoko. Asiwo kune mamwewo maroja asingagarike nawo. Vanongogara riri zhowe-zhowe kurwa, mari dzerendi, dzemagetsi nedzemvura havadi kubhadhara uye imba yavanogara havaibate seyavo, zvinhu zvinongopunzwa.

Kune vamwe vanonetsana zvekupedzisira vasvitsana kune vanogadzirisa makakatanwa pakati pemaroja nevaridzi vemba, veRent Board. Asi semaonero edu, chakakosha kugarisana zvakanaka pasina kuzvidzana kana kutarisirana pasi. Nekuti haunganzi “landlord” pasina roja.

Share This:

Sponsored Links