Uncategorized

Variko vari kudya mari yavasiri kufanira kudya

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
SERENGA munhu anongomberereka, anongoritaira asina musha kana pekugara. Munhu akafanana nemashanga anongotakurwa nemhepo munguva yeChirimo. Anogona kufamba achinzi mupenyu, asi iye akafa.

Kufa kuri pakawanda, hakusi kwekuiswa mubhokisi woimbirwa “hatina musha panyika” vanhu vachienda kunokuisa mugomba chete. Kufa kwakafanana nekurwara. Unogona kurwara uchiseka, kurwara uchishanda. Unogona kufanana nemukanwa makabva zino pakasara vende. Kana mukanwa mabva zino hamurege kunzi mukanwa, asi munenge mave kutsanangurwa kuti mukanwa musina mazino. Rinenge rave “dzerevende” kana kuti “serevende.”

Unenge wafanana nemota yaita tsaona ikasara yaputana-putana zvekuti vanosvika paitikira tsaona vanotadza kuziva kuti yanga iri motokari here kana kuti gaba rebhinzi. Dzimwe tsaona dzinosiya magirazi ati mwarara kwese-kwese, ropa raita guvi, motokari dzaisa mavhiri mudenga, mavhiri acho angove midzonga-midzonga.

Variko vanhu vekuti unogona kuvatsanangura nenzira imwechete iyoyi. Chii chinenge chaitika kuti munhu azosvika pakadaro? Zvizhinji zviri kuitika muhupenyu hwevanhu, zvekuti vazhinji vedu vari kudhakwa zvekusara vafanana negavi ratsengwa rikasara rave matsengwarengwa anenge hupfu. Izvozvi variko vari kudya mari yavasiri kufanira kudya, zvekuti vanosara vokungura kunge kuhukura kwembwa inotya.

Havasi vanhu vari kudhakwa chete, kana vari kudya mari nekuita zvimwe zvinhu zvavachazodemba kana Kirisimasi neGoredzva zvapera. Varikowo vamwe kunze uko vari kurwara. Varikowo vari kutadza kuendesa vana kuchikoro kana kuwana mari yekutengera mhuri chikafu.

Tine zvinhu zvakawanda zvinogona kutitetena, kutifonon’ona nekutipfukuta zvekuti miviri yedu nemweya yedu zvinosara zvafanana nekudurunhuru kunorasirwa madota. Gore rapera sezvatiri kuona. Tine zvizhinji zvatakanga tichitarisira kuti tichaita kana kuwana. Tine zvatakanamatira kuti zviitike. Vamwe takanamatira kuti tiwane basa, vamwe kuti murume akatiza adzoke kumba, vamwe takanamatira kuti tiporeswe pahurwere, vamwewo kuti tidiwe tigochata muchato une keke rakakura zvekuti vanhu vanoti eke!

Asi zvese zvatakanga takatarisira hazvina kuitika. Vamwe tisu takatoona zvinhu zvatakanga tisiri kutarisira zvichiitika. Vamwe takarwara tikapinda muchipatara, vamwe takarambwa, takarasikirwa nebasa, takaita tsaona, tikafirwa nevadikani. Muhupenyu tinosangana nezvinhu zvinogona kutisakadza kudarika chijira chatinopukutira tsoka tichipinda mumba. Asika, ini handidi kukuudza kuti gore rinouya nhamo yako ichapera – ugowana basa, ugoroorwa kana kuroora, ugove nehutano.

Ndiri kuda kukuudza kuti kana uri pakurwadziwa ikoko kunokuita kuti usare wave mvemve, Jesu kwete muporofita anoziva kurwadziwa ikoko. Jesu akapomerwa mhosva, akarohwa, akasvipirwa mate vasati vazomurovera pamuchinjikwa kuti afe achitambudzika. Chakanyanya kurwadza Jesu paakanga arembera pamuchinjikwa inyaya yekuti akasiiwa naMwari. Kufanana nemwana anga achifamba nababa vake, vachibva vangomunzvenga.

Asi tingatungwe nenyanga dzenhamo, tikawira mumadhaka endove dzehurwere, tingatsikwe-tsikwe nemazondo ekushaya mari, asi hatifanire kutizira mukudhakwa kana mukupererwa. Kana ukapererwa, hazvireve kuti Mwari vapererwa. Imbovapa chanzi, utsvage kururama.

Ndakaona zvinhu zvichishanduka zvekuti vanhu vaichema vakatozokanganwa kuti vakambofamba nemumupata wemumvuri werufu.

Kana uchinzwa sekuti wapererwa, hausisina, wave panhambetambe yenyota zvekuti wave kukokota mukombe, usakanganwe kuti Jesu ariko. Jesu ariko uye nekuda kwako akazvarwa kuti tigoti Kirisimasi inguva yekuzvarwa kweMuponesi. Kana Jehovha vakugadzirira tafura, kune vachauya vachibvisa macheya kuti usagare, asi vaudze kuti unogona futi kudya wakamira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey