Varimi dhibhisai zvipfuyo zvenyu

09 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
Varimi dhibhisai zvipfuyo zvenyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vanokurudzirwa kuti varambe vachidhibhisa mombe dzavo kudzivirira zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kana kuti zvishambwe uye kurudziro iyi inotevera kuwanda kunonzi kuri kuita varimi vasiri kudhibhisa mombe dzavo panguva ino apo nyika iri kurwisana nekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muhurukuro naChief Director webazi rinoona nezvezvipfuyo reDepartment of Veterinary Services (DVS), Dr Josphat Nyika, vanoti varimi vakawanda havasi kudhibhisa mombe dzavo.

“Ibasa guru ratarisana nevatori venhau kuti vafambise mashoko kune veruzhinji maringe nezvekukosha kwekudhibhisa mombe mukudzivirira zvishambwe. Zvichitevera kunyuka kwechiirwere cheCovid-19 munyika, hazvichasi nyore kuti madhumeni aunganidze vanhu vachivafundisa machengeterwo akanaka ezvipfuyo nokudaro kana venhau vakakwanisa kufambisa mashoko nemazvo, zvinobatsira kuti tichengetedze zvipfuyo zvedu zvinova hwaro hweupfumi hwenyika,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti pane mashoko emanyepo ari kutenderera pamadandemutande ekuti mombe dzevarimi dzinokwanisa kubatira zvishambwe kana dzichinge dzasangana nedzevamwe kumadhibha.

“Hakuna zvinhu zvakadaro, mombe kana dzichinge dzauya kumadhibha dzinodhibha mutumbi wose zvinoita kuti dzidzokere kumatanga adzo dzisina zvikwekwe. Kune mishonga yakatengwa neHurumende nevamwe vatsigiri kuitira kuti varimi vari mumatunhu ose munyika vadzivirire zvipfuyo zvavo.
“Kuregedza kudzivirira zvikwekwe kunoita kuti mombe dzife dzakawanda kana kurwara nezvirwere zvechishambwe kunova kurasikirwa kukuru nepfuma,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti chikamu chavo chine mishonga yakakwana yekudhibhisa mombe kusvika kupera kwegore.

“Kune varimi vakawanda vekumaruwa avo vasiri kudhibhisa mombe dzavo nekuda kwefungidziro yekuti dzinobatira zvishambwe kubva kune dzimwe mombe panguva yadzinenge dziri pamadhibha uye vamwe varimi vari muchikamu cheA2 vachisarudza kudzifirita voga nemishonga. Izvi zvichaita kuti budiriro iyo tanga taita mukurwisa kufa kwemombe nekuda kwezvirwere zvezvikwekwe iyo yakanga yava pachikamu che47 percent inge ichidzokera kumashure,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti kuderera kwekufa kwemombe uku kwakavapo nokudaro kwekudhibhisa nemazvo kwezvipfuyo.

Vanoti pasi pemutemo unoona nezvezvipfuyo nemhuka (Livestock Act), varimi vose vanofanira kudhibhisa mombe dzavo kuti dzigare dzisina zvishambwe uye kukundikana kuita izvi imhosva inosungisa.

“Kumadhibha, varimi vanoenda nemombe vakapfeka mamasiki uye vasingaungani kuitira kuti chirwere cheCovid-19 chiregere kupararira.”

Vanokurudzira zvekare kuti vabaise zvipfuyo zvavo majekiseni ekudzivirira zvirwere zvemakonye emudumbu nezvimwe setungundu.

Share This:

Sponsored Links