Varimi musarase tariro — ZFU

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Varimi musarase tariro — ZFU VaPaul Zakariya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti varimi hafanirwe kurasa tariro zvichitevera kumira kwamboita mvura kunaya kumatunhu akawanda enyika sezvo mwaka wezhizha uchangotanga.

VaPaul Zakariya vanova executive director kuZFU vanoti varimi havafaniri kurasa taririro mubasa ravo nekusanaya kuri kuita mvura parizvino.

“Varimi havafaniri kuvhunduka zvakanyanya nekuti nguva ichiripo uye vazhinji vanongori nesvondo rimwechete vadyara saka vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti kupera kwesvondo rino mvura inotogona kunaya saka hatingati varimi varasikirwa zvakanyanya. Tinotokurudzira varimi kuti vatarise twumbuyu uye tupukanana tunogona kukanganisa goho ravo twakadai seFall Army Worm uye kuti vashande pamwe nemadhumeni kumatunhu avo kuti vayambirwe nzira kwadzo dzekurima kana pachinge paita zvigozhero,” vanodaro.

VaZakariya vanoti nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze dziriko nokudaro dzinogona kuuya nekuwanda kwemvura kana kushomeka kwayo.

“Varimi ngavarambe vachishanda neHurumende uye vatsigiri kuti vavandudze kurima kwavo. Ngatirimei mbeu dzinokasika kukura sezvo takatarisana nekusanduka kwemamiriro ekunze. Pakudyara, todyara nefetiraiza yepasi tozoisa Top Dressing nekufamba kwenguva,” vanodaro.

Mai Depinah Nkomo vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers’ Association Trust avo vanorimira kuChegutu vanoti vamwe varimi havana kugadzikana zvichitevera kumira kwamboita mvura kunaya.

“Mvura payakaturuka takabva tangomhanya kudyara mbeu dzedu dzechibage, nzungu, nyimo uye miriwo kumabindu. Chava kunetsa ndechekuti mvura iya yakabva yangoenda mushure mekunaya kwemazuva mashoma-nana. Saka zvirimwa zvedu zvainge zvatotangisika kumera zvava kudyiwa netwumbuyu, huku, makonzo uye kusvava nezuva. Tave kushushikana kuti tinozokwanisa here kudzokera muzvitoro kunotenga imwe mbeu nekudhura kwayava kuita,” vanodaro.

Vanoti madzimai anofanira kuwaniswa kodzero yeminda sezvo vari ivo vanorima muminda nguva zhinji apo vanababa vanenge vari kushanda kumaguta kuti pave nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

“Kazhinji, tinoona minda iri mumazita anababa asi vanamai vachitambura zvakanyanya. Patinoenda kumabhengi tichida mari dzezvikwereti tinonzi unzai zvibatiso zvakadai sedzimba kana minda asi kakawanda  tinowana zviri mumazita anababa,” vanodaro.

VaJoseph Murabwi vekuGuruve vanoti vakanga vasina kudyara mbeu dzavo dzese uye vane tarisiro yekuti vanobura goho rakanaka kana mvura ikazonaya zvekare munguva inotevera.

“Pakanaya mvura yekutanga ndakatoona kuti mwaka wanonoka uye nenhau yekusanduka kwemamiriro ekunze handina kungovimba nekuti mvura zvayauya yatouya zvachose ndosaka ndakadyara padiki ndichida kumboteya manairo emvura. Ndakatodyara mbeu dzangu nefetiraiza yepasi kana dzichinge dzazokura ndoita Top Dressing. Handisati hangu ndanyanya kurasa tariro nekuti ndine madiridziro, vanotorwadziwa ndevaya vanomirira mvura yemudenga,” vanodaro.

Nyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze mudunhu reSouthern Africa dzinokurudzira varimi kuti vange vachirima mbeu diki dzinotirira zuva dzakadai semapfunde, mhunga, zviyo, nyemba, nyimo nenzungu sezvo zvinokurumidza kukura nekuwanisa goho senzira yekurwisa nzara.

Gwaro richangobva mukuburwa reGlobal Agricultural Geo-monitoring Initiative (GEOGLAM) Special Report maringe nemwaka wekurima mudunhu reSouthern Africa 2019 -2020, rinoratidza kuti mvura ichange ichinaya iri shoma kana zvichienzaniswa nemwaka yadarika.

 

Share This:

Sponsored Links