Varimi musaungane: ZFU

16 Jul, 2021 - 14:07 0 Views
Varimi musaungane: ZFU VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO revarimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoyambira nhengo dzaro kuti dzimbomira mabasa anoita kuti vashande vakaungana akaita senhimbe kana kuti jakwara nemikando senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaPaul Zakariya, avo vanova mukuru weZFU, vanoti varimi vakawanda vane mishandirapamwe nemasangano ekubatsirana kurima ayo avagara vachiita senhimbe yekurima mapindu nekubatsirana kungava kupura zvirimwa nekusakura, izvo zvavanoti panguva ino ngavambomira kuzviita nekuti kuungana kunoita kuti vanhu vatapurirane chirwere ichi.

“Nguva ino varimi vari mubishi kugadzira goho sekutonongora chibage nenzungu kana kupura zviyo nemhunga. Chivanhu chedu chinokurudzira kuti varimi vaite mishandirapamwe vakaungana seyatinodaidza kuti nhimbe.

“Asi nekuda kwedambudziko rechirwere cheCovid-19, hatisi kukurudzira kuitwa kwenhimbe panguva ino sezvo zvichiguma zvaita kuti varimi vedu vaungane zvoparadzira chirwere chanetsa ichi,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti nhimbe inobatsira zvikuru uye inosimudzira zvikamu zvemabasa ekurima, asi vanokurudzira kuti varimi vambomira kuungana kusvikira denda iri radzikama.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kuuraya uye vakawanda vari kurwara, hachisarudze kuti VaZakariya murimi anozivikanwa kana kuti anorima zvinoshamisa – chinongobata nekuuraya. Saka tinoti ngatimbosiyanai nekuita jakwara, nguva ichakwana yekuti titange zvakare kuungana tichibatsirana mabasa ekurima aya nekuita zvakasiyana,” vanodaro.

Vanopa muenzaniso wenzvimbo dzakaita sekuBuhera, kwaGutu, Mt Darwin, Guruve, Karoi, Sanyati, kwaChivi, kwaMutare, nekumwe uko vanoti varimi vari kupura zvirimwa zvinosanganisa mapfunde, mhunga, zviyo, nezvimwe ukowo vamwe vari kutonongora zvirimwa vachigadzirira kuzonozvitengesa kana kurongedza mumatura.

“Mwaka uno nyika ine maguta kubva kuzvirongwa zveHurumende sechePfumvudza izvo zvaonekwa varimi vachikohwa chibage chakawanda zvikuru uye matara achizara. Zvinoreva kuti pane mabasa ekupura nekutonongora zvirimwa izvo zvinoda kuti vanhu vabatsirane.

“Asi nekuda kwechirwere ichi, hatibvumidze kuti varimi vaungane vachiita nhimbe, nyanzvi dzezveutano hadzisi kubvumidza kuita kwakadai,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kuzvichengetedza pautano hwako munhu nemhuri yako nerumwe ruzhinji kwakakosha zvikuru panguva ino apo chirwere ichi chiri kubata vanhu vakawanda vemuno neve kunze.

“Sevarimi, tiri musimboti wenyika saka hatidi kurasikirwa nevarimi vedu nerumwe ruzhinji nekuti iwe murimi paunofa nyika yarasikirwa nemhuri yako yose, panofawo mumwe munhu iwe murimi unenge warasikirwa zvakare nekuti ndiye anotenga zvirimwa zvako,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti nguva ino ndeye kuti varimi zvakare vachere mipfudze kubva mumatanga avo vachiunganidza kuti iworere zvavanoti zvose izvi ngazvimbomira sezvo zvichida kuti vaungane.

“Hatisi kuti varimi ngavamire kuita mabasa avo asi ngavashande nemhuri dzavo vari vashoma uye vakatarangana vachitevedza mitemo yose inodiwa. Ngatipfekei mamasiki tichizorawo mishonga inokurudzirwa semasanitiser, kunyange kudzimba kwedu chaiko ngatitevedzerei zvose tichizvishambidza nemvura yakachena inochururuka. Gore rino mvura yakawanda yakawanda,” vanodaro.

VaZakariya vanokurudzira kuti varimi vashandise mukana wemvura yakanaya iyi kurima mapindu vozviwanira mari.

“Hongu chirwere chiriko, asi tinoda kuramba tichidya saka ngatishandei tichitevedza mitemo iri kukurudzirwa nenyanzvi dzeutano. Kana iri nhimbe tinoti bodo panguva ino nekuti tinoziva kuti panowandwa vanhu vachidya nekunwa doro.”

VaZakariya vanoti kune mishandirapamwe yekupanana mari inodaidzwa kuti mikando inoitwa nevarimi iyo yavanoti ngaimbomira kuitwa zvakare kusvikira chirwere ichi chadzikama munyika.

Share This:

Sponsored Links