Varimi musavhunduke: Craig

11 Dec, 2021 - 13:12 0 Views
Varimi musavhunduke: Craig

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYANZVI munyaya dzezvekurima uye vari zvakare sachigaro weAgricultural Rural Development Authority (Arda), VaIvan Craig, vanoti varimi havafanirwe kuvhunduka zvichitevera kusanaya kwemvura pari zvino sezvo mbesa dzisati dzabuda dziine mukana mukuru wekuzomera uyewo dzakamera kare dzichizoita zvakanaka nemvura iri kutarisirwa kudzoka munguva pfupi iri kutevera.

VaCraig vanoti kumativi ose enyika kwavari kutenderera, varimi vari kuchema-chema vachifunga kuti mwaka weZhizha ra2021/22 hauna kumira zvakanaka.

“Pakanaya mvura yekutanga, varimi vazhinji vakadyara mbesa dzikabuda uye vamwewo vakazodyara pashure dzikatadza kumera zvakanaka. Pane dzakamera, tine tarisiro huru yekuti mvura ichanaya munguva pfupi iri kutevera zvigoita zvakanaka uyewo pane zvisina kumera zvakanaka tinotarisira kuti panonaya mvura, mbeu idzodzi dzinomera sezvo dzimwe dzakapetera muvhu,” vanodaro VaCraig.

Vanoti nguva haisati yakwana yekuti varimi vatange kuvhunduka sezvo nyanzvi dzezvemamiriro ekunze dzakazivisa kuti mwaka wa2021 kusvika 2022 mvura ichanaya zvakanaka.

“Kune vakadyara kare zvirimwa zvikatadza kumera, tinokurudzira kuti vambomira kudyarurura kusvikira panonaya mvura voona kuti mbesa idzi hadzibude here nekuti dzimwe dzinochengeteka dziri muvhu. Tinodaro nekuti tikakurumidza kudyarurura dzinozobuda dzakawandisa, dzikavirikana.”

VaCraig vanoti nguva dzose zvakanaka kuti murimi arime mbesa dzinosanganisira diki idzo dzinotivirira muzuva.
“Tinokurudzira varimi kuti varime mbesa dzakasiyana sechibage, mapfunde, mhunga, maringazuva, nzungu, nyimo, mbatatisi, muriwo nezviyo kuitira kuti zvimwe zvinoita zvakanaka zvimwewo zvoramba,” vanodaro.

Vanoti kune varimi vasati vadyara, zvakakosha kuti vadyare mbesa dzinochimbidza kuibva kuitira kuti vabate mwaka.
“Kune varimi vasati vadyara, tinokurudzira kuti vatenge mbesa dzemwaka mupfupi uyewo nekurima mbesa dzetsanga diki kuitira kuti tinowana patinokohwa kana mwaka ukazosanduka pamberi apo mvura yava kuita shoma. Tinotiwo varimi ngatishandei nevarimisi vematunhu edu tichiziviswa matanho ekutora pane zvose zvatinoda kuita,” vanodaro VaCraig.

Kune varimi vane madiridziro, angava emuzvibhorani, mumadhamu kana matsime madiki, vanokurudzirwa kuti ino ndiyo nguva yekushandisa mvura yemadiridziro kuti zvirimwa zvavo zviwane hunyoro.

“Mwaka wakanaka hapana chakaipa, ngatishandisei mikana yatinayo kurima pasina kudzokera kumashure,” vanodaro VaCraig.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>