‘Varimi ngwarirai chando’

30 May, 2022 - 16:05 0 Views
‘Varimi ngwarirai chando’ Cde Vangelis Haritatos

Kwayedza

Wimbainashe Zhakata

VARIMI vekuNyanga vanokurudzirwa kudiridza mbesa dzavo husiku kuitira kudzivirira chando zvichitevera ongororo yakaitwa nebazi reMeteorological Services Department of Zimbabwe (MSD) iyo inoratidza kuti kudunhu iri kuchatonhora zvakanyanya mumwaka uno wechando.

Sekutaura kweMet, dunhu reNyanga riri pakati penzvimbo dziri kutarisirwa kuramba dzichitonhora zvakanyanya munguva ino yechando.

Mukuru anoona nezvekurima mudunhu reNyanga, VaShadreck Chingombe, vanoti varimi kuNyanga vanofanirwa kudiridza zvirimwa zvavo husiku kuitira kuchengetedza mwando muvhu.

Vanoti chando chakanyanya chinowanzokanganisa matomatisi nembatatisi.

“Tinotarisira kuti mamiriro ekunze akadai achaparadza mbatatisi nematomatisi mudunhu iri. Saka varimi vanofanira kudyara zvirimwa zvakaita sepizi, makabheji necauliflower nekuti zvinorarama panguva yekutonhora.

“Pari zvino, dunhu iri riri kutenga matomatisi kubva kune mamwe matunhu nedzimwe nzvimbo dzemuNyanga dzinodziya dzakadai sekuzvirongwa zvemadiridziro ekuNyamaropa,” vanodaro.

Mukuru anoona nezvemamiriro ekunze kuManicaland, VaLucas Murambi, vanoti Nyanga yakawana tembiricha yakadzikira zvakanyanya zvekusvika -0,1 °C musi wa14 Chivabvu.

“Musi wa14 Chivabvu, dunhu reNyanga rakaita -0,1 °C tembiricha yepasi ukuwo tembiricha yepascreen yakarekodha 5 °C. Musi wa13 Chivabvu, tembiricha yescreen yaive 4,5 °C apo yepasi yaive 0,1 °C.

“Pazuva iri, kwaive nechando mangwanani. Kunopera kwemwedzi unova kubva musi wa24 Chivabvu kusvika 27, kutonhora kwedunhu iri kwaive kubva pa9 °C kusvika pa5 °C pasi,” vanodaro.

Zvichakadaro, dunhu reNyanga richaita zuva rekusimudzira kurimwa kwebhinzi muzvikoro svondo rino.

Mutevedzeri wegurukota mubazi rezveminda, kurima nekugariswa kwevanhu patsva – Cde Vangelis Haritatos – ndivo vari kutarisirwa kuve muenzi mukuru pachiitiko ichi.

“Kune mhando yebhinzi yatiri kuedza kusimudzira mumapindu echikoro iyo inozivikanwa nekuti NUA 45.

Yakawedzera kudya kunovaka muviri.

“Takatanga kuita chirongwa ichi kubva gore radarika uye tiri kupa zvikoro mbeu iyi pachena kuitira kusimudzira kurimwa kwebhinzi,” vanodaro VaChingombe.

Share This:

Sponsored Links