Kingstone Mapupu
VARIMI vokurudzirwa kuti vatenge zvekurimisa zvakadai sembeu, fetiraiza nemishonga yekufiritisa zvirimwa kuzvitoro zvinozivikanwa uye zvakanyoreswa zviri pamutemo kwete zvemumikoto umo vanogona kusangana nemaguruvhani vopedzisira vatengeserwa zvemanyepo.
Kurudziro iyi yakapihwa naVaIvan Craig vanova sachigaro webhodhi reAgricultural and Rural Development Authority (ARDA) zvichitevera kutanga kwemwaka wezhizha apo mvura iri kunaya kune dzimwe nzvimbo dziri kumativi mana enyika.
“Vamwe varimi vakatopedza kare gadziriro dzekurima vakatenga zvinhu zvinosanganisira fetiraiza, mbeu, mishonga yekumwaya muzvirimwa neyekuuraya sora. Saka ikurudziro yedu kune vari kutenga zvekurimisa izvozvi kuti vatenge muzvitoro zvinozivikanwa zvine nhoroondo,” vanodaro VaCraig.
Vanoti kazhinji mumwaka wezhizha, vamwe varimi vanopedzisira vatengeserwa mbeu isina kukodzera pamwechete nefetiraiza yemanyepo.
“Mari inorwadza kutsvaga saka ngatiishandisei zvine hungwaru. Tinonzwa dambudziko revarimi vanogumisira vava kutsotswa vachitengeserwa mbeu kana fetiraiza yemanyepo nezvimwewo zvekurimisa zvakasiyana. Ikurudziro yedu kuti vatenge kunzvimbo dzinozivikanwa,” vanodaro VaCraig.
Vanoti kune makoronyera awanda munyika vari kugadzira mishonga yekurimisa yemanyepo izvo zvinodzosera varimi kumashure mubasa ravo.
“Saka tinoti kuvarimi ngavangwarire varime zvinoendeka nekuti mwaka wavo ukakanganisika zvinonetsa kuti vadzoke pandima,” vanodaro VaCraig.
Vakatenda Hurumende nechirongwa chePfumvudza icho chiri kuona varimi vachipihwa zvekushandisa pachena sezvo chiri kuita kuti vakwanise kubata mwaka nekurima nenguva.