Varimi vadiki vopembedzwa

10 Mar, 2022 - 17:03 0 Views
Varimi vadiki vopembedzwa VaShingirai Tawengwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

AKANGA ari makuwerere papurazi reTavengwa Farm kwaMambo Nenguwo, kuMarondera svondo rapera apo murimi wechidiki, uyo akahwinha mubairo mukuru wekurima chibage kushoo yegore rapera yeZimbabwe Show Society (ZAS), aitambidzwa mubairo wake.

VaShingirai Tavengwa ndivo vakahwapura mubairo mukuru weBest Commercial Maize Farmer 2021.
Gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland – East Cde Apolonia Munzverengwi – mumashoko avo avakaverengerwa naVaKudzai Chimusoro vanove vakafanobata chigaro chadirector mumahofisi avo, vanoti kurima kwakakosha zvikuru sezvo kuriko hwaro yebudiriro yeZimbabwe uye kuchimutsawo mabasa nekuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro yenyika zvegore ra2030.

“Varimi vechidiki vanotidadisa zvikuru zvekuti tikawana vakawanda vakadai nyika yedu inoita maguta topedzisira tava kutengesa zvimwe zvirimwa zvedu kune dzimwe nyika tichiwana mari yekunze. Vechidiki vanowanawo mabasa zvichibatsira mukubvisa mweya uya wekuswera vachitendera nemabhiriji vachitora zvinodhaka,” vanodaro.

Dr Andrew Matibiri vanova chamangwiza wesangano reZimbabwe Show Society vanotaura nezvekukosha kwemadiridziriro kuvarimi, zvikuru sei munguva iyo nyika iri kutarisana nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

“Basa redu guru nderekukurudzira nyaya dzekurima saka nhasi uno tiri pamunda waVaTavengwa apo tiri kuvatambidza mubairo wavo wetararika uyo vakahwinha pamakwikwi evarimi eZAS 2021 apo vakatora mukombe pakurima chibage,” vanodaro.

Dr Matibiri vanoenderera mberi vachiti, “Takwanisa kumema munda wavo mukuru kwazvo uyo vakarima chibage nenguva asi dambudziko ratava kuona nderekushomeka kwemvura yemudenga inova yavari kupona nayo mukurima sezvo vasati vava nemadiridziro.

Chimwe chibage chava kutanga kusvava nezuva zvinova zvinorwadza asi tanzwa vachiti vane hurongwa hwekuvaka dhamu munharaunda ino kana vachinge vawaniswawo rutsigiro. Saka zvichabatsira ivo nevamwe varimi vakapoteredza kuti vakwanise kurima nemadiridziro vachikunda hondo yekusanduka kwemamiriro ekunze iyi.”

VaIvan Craig vanova sachigaro webhodhi reAgricultural Rural Development Authority (Arda) vanoti vanofara zvikuru nehunyanzvi hwekurima huri kuratidzwa nevarimi vechidiki.

Share This:

Sponsored Links