Varimi vadiki vosimudzirwa

03 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Varimi vadiki vosimudzirwa Varimi vadiki vari pamusangano.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

Sangano reLivelihoods and Food Security Programme, Market Development (LFSP-MD) rosimudzira varimi vadiki kuburikidza nekuvatsigira uye kunzvera matambudziko avari kusangana nawo nedonzvo rekusimbaradza chikamu chezvekurima muZimbabwe.

Sangano iri nemusi weChipiri svondo rino rakaita musangano muguta reHarare uyo wakapindwa nevarimi vakabva kumatunhu akasiyana, vanamuzvinabhizimusi, makambani anouchika mbeu uye vatsigiri vakazvimiririra vakadai seUnited Kigdom’s Department for International Development (DFID).

Varimi vazhinji vaichema nenhau yekudhura kwezvekushandisa mukurima nekushaikwa kwemisika yakati tsvetere yekutengesera zvirimwa.

“Ini ndinorima chibage kuGokwe South saka takakwanisa kutenga muchina wedu unotsokonyora chibage (maize shelling machine) izvo zvava kuti rerukira sevarimi. Goho redu tinoritengese kudura guru reGrain Marketing Board. Mwaka wadarika, hatina kuwana goho rakawanda nekuda kwenhau dzekusanduka kwemamiriro ekunze apo mvura yekudenga yakaita shoma. Asi mwaka uno tiri kutarisira kuti tinogona kuwana goho rakanaka kana mvura ikaramba ichinaya zvakanaka,” vanodaro Mai Ennie Chikwavira (40).

Varimi vane madiridziro ndivo vanoti vakakwanisa kuwana goho rakakura mwaka wadarika apo mvura yakanonoka kunaya.

“Kuburikidza nemadiridziro, mwaka wadarika takakwanisa kuwana matani masere echibage tikamatengesa kuGMB. Taishandisa muchina wekutsokonyora chibage saka zvakatirerukira semadzimai nekuti mumisha matinogara mune mabasa akawanda anenge akatarisana nesu. Takakwanisa sezvakare kutenga muchina wekuputisa maputi (maputi gun) saka tave  kugadzira maputi tichitengesa uye vamwe varimi vanouya vachihaya michina yedu,” vanodaro Mai Faith Muchengi (36) vanova murimi wechibage                              kuGuruve.

Vanoti mukurima kana zvichinge zvavaomera vanohaya vashandi vanovabatsira.

“Kuburikidza nekunetsa kwemari yemusvo tiri kuomerwa zvikuru apo vanhu vanotenga zvirimwa zvedu nenzira yeRTGS saka patinozoda kuti tibvise mari iya muEcoCash kana kumabhengi tinobva tachajwa ma60 percent kureva kuti tinopedzisira tarasikirwa. Kutengesa zvirimwa nemari yemuno kwava kurwadza nekuti zvinhu zvese zviri kuiswa pamitengo yemari yekunze zvisinei nekuti mitemo yemuno inorambidza kutengesa nemari yekunze,” vanodaro.

VaNelson Munyaka vanova managing director kukambani yeZim Seed vanoti vari kuwana misika yekutengesa mbeu dzavo munyika muno nekunze kuburikidza nekushambadza padandemutande.

“Kubva patakatanga kushambadza padandemutande, tiri kuona nyika dzose dziri muSadc dzichitenga mbeu dzedu dzingava dzechibage, nyemba nebhinzi. Saka ndakaona kuti ruzivo rweindaneti rwakakosha zvikuru mukusimudzira bhizimisi rekurima. Tine varimi vadiki vanodarika 3 500 vari kunze kwenyika. Parizvino tiri kutarisira kuendesa matani 116 embeu yechibage kuNamibia, matani 50 ebhinzi kuSwaziland neLesotho,” vanodaro.

Vamwe varimi ndivo vanoti vari muzvirongwa zvekuchengeta mbudzi, mombe nehuku uye vari kufambirana neruzivo rwechizvino-zvino rwekushandisa michina inochochonya mazai.

Nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze uye kusamira zvakanaka kweupfumi hwenyika dzakaonekwa dziri pamberi mukukanganisa budiriro yevarimi muZimbabwe.

Chirongwa cheZimbabwe Livelihood Food Security Programme chava mudanho rechipiri uye danho rekutanga rakavambwa mugore ra2014-18 richitsigirwa DFID.

Chikamu chepiri chiripo pakusimudzira nyaya dzekurimwa kwechikafu chinovaka muviri nekuona kuti mhuri dzinodarika 200 000 dzawaniswa chikafu chakakwana mumadistrict ari kuitirwa mabhindauko aya anosanganisira Mutare, Makoni, Mutasa, Kwekwe, Gokwe South, Gokwe North, Shurugwi, Guruve, Mazowe neMt Darwin.

Share This:

Sponsored Links