Uncategorized

Varimi vakahwapura mibairo

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Varimi vakahwapura mibairo Mbeu itsva

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vedonje avo vakabva kumatunhu akasiyana svondo rapera vakatunzvaidzwa nekuwaniswa mibairo yekugona kurima chirimwa ichi mumwaka wadarika kuHarare Agricultural Show.

VaRanganai Muzivirwa (50) vekuChiredzi ndivo vakahwapura nhamba yekutanga uye vakaenda kumba nehungwanda-ngwanda hwemibairo inosanganisira tarakita inokosha $8 600, tirera ye$5 800, madish plough matatu anokosha $310, feteraiza yeCompound L nemudhudhudhu.

VaRanganai Muzivirwa vakamira pedyo netarakita yavakahwinha kuHarare Agricultural Show svondo rapera.

Mubairo wepiri watorwa naSolomon Chigodora wekuMt Darwin uyo akapihwa mibairo inosanganisira matsiru mana emombe, bhuru rimwe chete, fetiraiza nembeu yedonje.

Edson Kalunge wekuGokwe ndiye akatora mubairo wechitatu uye akawanawo mibairo inosanganisira matsiru maviri emombe, bhuru rimwe chete, mbeu nefetiraiza.

Muhurukuro neKwayedza, VaMuzivirwa vanoti vakarima mahekita matatu nechidimbu edonje kupurazi ravo riri kuChiredzi uye vane madzimai mana nevana 27.

“Ndine madzimai mana nevana 27 asi munda wakahwinha ndewemudzimai mudiki zvisinei nekuti mhuri yese inoenda kunobatsirana mukurima kuminda yese sezvo mudzimai mumwe nemumwe aine musha wake nemunda wake. Mukurima, ndinoshandisa mvura yemudenga uye ndakatanga kurima donje mugore ra1983,” vanodaro.

Vanoti dambudziko remakonye anodya chirimwa chedonje ndiro guru asi vanotenda kambani yeCottco nekuvawanisa mishonga yakawanda yekurwisa makonye aya.

“Ndinofara ndawaniswa mbeu, mishonga uye tarakita saka mombe dzangu dzava kumbozorora nekuti tinenge tava kushandisa tarakita. Ndatogadzirira kurima donje remwaka wa2019 uye uyu mubairo wandawana kushoo kuno ndewekutanga zvisinei nekuti ndaimbohwinha mimwe mibairo midiki muzvirongwa zvavarimi zvaiitwa kuChiredzi kwatinorimira,” vanodaro.

VaBenerdict Mugura Gumeni vanova head of corporate services kukambani yeCottco Zimbabwe vanoti varimi vakahwinha ava vakasarudzwa seshangwiti dzekurima donje zvichitevera kumemwa kwakaitwa minda yavo uye goho rinoyevedza.

“Takanga tichitarisa zvinhu zvina kunyanya zvinosanganisira kukura kwakaita dzinde redonje, mabhora acho kuti akasvika here kana kuti kwete, kuchena kwedonje uye kusvika kwemapazi edonje,” vanodaro.

Zvisinei, gore negore varimi vanochema-chema nekuda kwekuderera kwakanyanya kwemitengo yedonje kumisika izvo zvinoita kuti vazhinji vawanikwe vachitizira kuchirimwa chefodya chinova chinopa mari zhinji.

 

Share This:

Sponsored Links