Varimi vakakumba mibairo kuSeed Co

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Varimi vakakumba mibairo kuSeed Co SEEDco Regional Managing director Denias Zaranyika is flanked by Lands, Agriculture, Water, Climate and Rural Resettlement Deputy Minister Vangelis Haritatos (right) and Agritex Principal director Joseph Gondo (centre) at a Yield Contest in Harare yesterday.- Picture by Tariro Kamangira

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

KAMBANI huru mukuuchika nekutengesa mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, svondo rapera yakapembedza varimi vakawana goho guru kudarika vamwe kuburikidza nekuvapa mibairo pasi pechirongwa chayo cheEleven Tonne Plus Club Promotion.

Pasi pechirongwa ichi, murimi anopinda mumakwikwi aya kana achinge asvitsa goho rematani echibage gumi nerimwe pahekita zvichienda mberi.

Vachitaura pakupihwa kwevarimi mibairo iyi, mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva – VaVangelis Haritatos – vanoti chirongwa ichi chakanaka nekuti chinounza maguta munyika sezvo chichiita kuti varimi vashande nesimba kuburikidza nekuita makwikwi anovapa goho guru.

“Ndinofara zvikuru kuva pano ndichiona basa guru riri kuitwa nevarimi vedu kuburikidza nemibairo yavari kuwana iyi.

“Tasanganiswa nhasi nekuda kwekushanda nesimba kuri kuita varimi vedu kuti munyika muve nechikafu chakakwana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Goho riri kubuda kuburikidza nekushanda nesimba kwevarimi neHurumende pasi pezvirongwa zvakaita sePresidential Input neCommand Agriculture.

“Nekuda kwezvirongwa izvi, goho rechibage rakwirira zvakanyanya nekuti varimi vedu vari kuwana zvekushandisa nenguva.

“Hurumendewo haigoni kushanda yoga kana pasina makambani akaita seSeed Co. Ndinoda kutenda kambani dzinouchika mbeu, kunyanya Seed Co, nebasa guru ravari kubata uye nekubatana neHurumende mukupa varimi mbeu dzemhando yepamusoro idzo dzinopa goho guru.”

VaHaritatos vanoti kuti munyika munge muine chikafu chakakwana, huwandu hwechibage chiri kurimwa hunofanira kuwedzerwa.

Vanoti kune zvinokanganisa goho zvakafanana nekusanduka kwemamiriro ekunze naizvozvo varimi vanofanira kurima nehungwaru uye ruzivo rwavanowana kubva kunanamazvikokota vanoita tsvagurudzo yemamiriro ekunze pamwe nevarimisi.

“Kuti pave negoho guru uye nyika igare iine chikafu chinogutsa, varimi vanofanira kupinda muzvirongwa zvakaita semakwikwi eEleven Tonne Plus Club. Varimi zvakare vanofanira kurima zviri kuenderana nechizvino-zvino nekuti izvi zvinoita kuti goho redu rirambe richikura uye kuti tigone kushandisa nemazvo ivhu ratinaro.

“Nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, ndinokurudzirawo varimi kuti vashandise madiridziro.

“Varimi vanofanirawo kushandisa feteraiza senzira yekuti ivhu ravo rirambe riine chikafu chinogutsa mbesa kuti vawane goho rakakura,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano iri, chamangwiza weSeed Co, VaDenias Zaranyika, vanorumbidza varimi vakawana mibairo vachiti vari kufara nekuwedzera kwevari kupinda mumakwikwi eEleven Tonne Plus Club sezvo zvichiratidza kuti goho richawedzera munyika.

“Nyika yedu ine mukana wekuva negoho rinosvika kana kudarika matani mamiriyoni mana echibage kana varimi, Hurumende nemakambani anouchika mbeu vakashanda pamwe chete.

“Chinangwa chikuru chemakwikwi atakatanga aya kuti goho redu riwedzere munyika tikwanise kuzviwanira chikafu senyika kwete kutenga chibage kune dzimwe nyika.

“Pari zvino kambani yedu yatarisana nekuuchika mupunga wekuti tikwanise kurima senyika, timire kudya mupunga unobva kunze,” vanodaro VaZaranyika.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kuuchika mbeu dzemhando dzakasiyana dzemupunga dzinoenderana neivhu redu nemamiriro ekunze emunyika muno.

“Chimwe chinangwa kuuchika mbeu dzembatatisi nekuti mbatatisi zhinji dziri kubva kunze kwenyika, hatisi kukwanisa kuzvirimira dzinogutsa nyika yese.

“Tiri kuda kuwedzera zvakare huwandu hwemafuta anogadzirwa muno munyika kuburikidza nekuuchika mbeu yeCanola oil iyo ichawedzera pane soya bhinzi pakugadzirwa kwemafuta ekubikisa sezvo mazhinji ari kubva kunze kwenyika.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey