Varimi vakapangwa mazano

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Varimi vakapangwa mazano Dr Basera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru pakuuchika mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, nemusi weChipiri svondo rino yakaparura chirongwa cheGrand Seed Co Vegetable Fields Day icho chakaona mazana nemazana evarimi vakabva kumatunhu akasiyana enyika vachipakurirwa ruzivo rwuri pamusoro pekurima miriwo yakasiyana.

Varimi pamwe chete nevana vechikoro vakawaniswa zvakare mukana wekumema munda wePrime Seed Co uyo uri kuStapleford une zvirimwa zvinosanganisira mabhatanati, matomatisi, hanyanisi, peas, bhinzi, chibage chinyoro, makabichi nemhiripiri, pakati pezvimwe zvakawanda.

Vaive muyenzi mukuru pagungano iri, VaRingson Chitsiko – avo vanova munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu – vanoti vanofara kuti chirongwa ichi chave kuitwa gore negore kureva kuti chatova mukarenda revarimi.

“Ndinofara zvikuru kuti chirongwa ichi chinopa varimi mikana yekuita mushandirapamwe pamwe nekupangana mazano nevarimisi vane hunyanzvi izvo zvinosimudzira mabasa ekurima. Tinoda kurima kune hudzamu kunoita kuti nyika iwane kudya kwakakwana uye kune utano,” vanodaro.

Vanotenda kambani yeSeed Co nekutsigira chirongwa ichi nedonzvo rekusimudzira zvekurima munyika.

“Zvirimwa zvataona pano zvinotipa shungu kuti tidzidze kuti zvinorimwa sei kuitira kuti tigonozviitawo kuminda yedu. Tinoda zvakare kuti tinge tichizadzikisa zvido zvenyika ino maringe nekurima tichiwana zvizhinji zvekutengesa kune dzimwe nyika.

“Ndinofara kuti kambani yeSeed Co iri pamberi mumisika yemiriwo apo inorima mhando dzakasiyana-siyana,” vanodaro VaChitsiko.

Hurumende yakaona kuti bhizimusi rekurima miriwo nemaruva rakakosha zvikuru zvichibva munhoroondo uye kugadzirwa kwembeu dzemhando yepamusoro.

VaChitsiko vanoti Zimbabwe inotungamirirwa nehurongwa hwezvinangwa zvegore ra2030 apo nyaya dzekurimwa kwemiriwo nemaruva dzichasimudzira upfumi hwenyika nechikamu che10 percent pagore.

Seed Co ine mbeu dzemiriwo dzakauchikwa zvemhando yepamusoro dzinosanganisira dzemakabichi – Fabiola, Marcanta neDelight, Processing apo kumatomatisi ine Chibli, Pietraorossa, Greenhouse, Candela, Oasisi, Alambra kuchizoti kumuriwo werepu ine Rampart, Solanor neSpringbok, pakati pedzimwe mhando.

Dr John Basera, avo vanova agronomy and extension services manager weSeed Co, vanoti varimi vanodarika churu vakawaniswa mukana wekudzidza nezvekurima miriwo nenzira dzakanaka vachizobura goho guru.

“Tinoda kuti varimi vedu vabudirire nekuti kurimwa kwemiriwo nemaruva kunoita kuti vawane mari mukati menguva pfupi sezvo zvirimwa izvi zvisingatore nguva refu kuti zvisvike pakukohwewa. Miriwo inodiwa zvikuru nemhuri saka panguva iyo varimi vanenge vakamirira mwaka wekurima chibage kana fodya pakati apa, vanenge vachiita mari nekurima miriwo.

“Tinoda kuti vazive nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze kuitira kuti varime zvirimwa zvakakodzera pasina kurasikirwa,” vanodaro.

Vanoti munguva ino yechando, chirimwa chegorosi chinorimwa zvakare chichipa murimi pundutso.

 

Share This:

Sponsored Links