Varimi vanoda kutsigirwa

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MUNGUVA pfupi iri kutevera mwaka weZhizha unenge wanyatsotanga apo mvura inotarisirwa kuturuka zvichireva kuti murimi akangwara anofanirwa kunge atogadzirira zvose zvinodiwa kuti ange achirima zvakanaka uye nenguva.

Muchidimbu, zvekushandisa mukurima zvinosanganisira mbeu, mafetiraiza nemishonga yekufiritisa zvirimwa zvinofanirwa kunge zvatovepo.

Iwo magejo kusanganisira matirakita mapadza nemombe dzekurimisa ngazvigare zvaonekwa kuti zviri kusevenza zvakanaka.

Asi nekudhura kuri kuita mbeu nemafetiraiza, zvinoreva kuti mwaka uno varimi vakaomerwa zvikuru.

Sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Farmers Union (ZFU), rinoti pari zvino kuti murimi arime hekita imwe chete yemunda wechibage, anoda mari iri pakati pe$10 000 ne$15 000.

Mari iyi ndeyekushandisa mune zvakasiyana sekurima munda wacho netirakita, kutenga fetiraiza, mbeu nemishonga uye nekubhadhara vashandi.

Mari iri kudiwa kuti murimi ange achirima hekita imwe chete iyi yakawandisa uye haiwanike nyore.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti saga rimwe chete re50 kgs refetiraiza yeCompound D riri kuita mari iri pakati pe$400 ne$500.

Nerimwewo divi, 50 kgs yeAmmonium Nitrate iri kutengeswa nemari iri pakati pe$500 ne$700.

Kuchitwo 25 kgs yembeu yechibage iri kuita mari inosvika $1 000 zvichienderana nemhando yacho.

Zviri pachena kuti mwaka uno uchange wakaomera varimi zvikuru nekuda kwekudhura kuri kuita zvekushandisa pakurima.

Vamwe varimi vanogona kushandisa mupfudze kana kudyara mbeu yemudura mushure mekukundikana kuwana mari yekutenga fetiraiza nembeu yakauchikwa.

Vanamazvikokota vezvekurima vanogarokurudzira varimi kuti vadyare mbeu yakauchikwa nekuda kwekuti inopa goho guru uye inotivirira kuzvirwere.

Zvichakadaro, tinogamuchira nemawoko maviri danho riri kutorwa neHurumende kuti mutoro unge uchirerukira varimi kuburikidza nekutanga chirongwa chitsva chekuti varimi vakwanise kupihwa zvikwereti kumabhengi iyo vanoshandisa mukutenga zvinodiwa mubasa ravo.

Pasi pechirongwa cheCommand Agriculture ichi – icho chakavandudzwa – varimi vanotora zvikwereti kumabhengi mushure mekunge vapa zvibatiso.

Pari zvino varimi vanokwanisa kutora zvikwereti izvi kumabhengi anoti CBZ, Stanbic neAgribank.

Mamwe mabhengi anokurudzirwa kutevera matsimba evamwe vavo ava kuburikidza nekutsigira nyaya dzekurima munyika.

Chirongwa chekuti varimi vanokwereta mari kumabhengi ichi chakanaka zvikuru sezvo zvichiitwa nenzira inoita kuti pave nebudiriro huru muchikamu chezvekurima.

Kunze kweCommand Agriculture, Hurumende iri kubatsira varimi zvakare zvikuru vekumaruwa nezvekushandisa pasi pechirongwa chePresidential Input Scheme.

Zvirongwa izvi zvakakosha zvikuru nekuti zvinoita kuti varimi vakwanise kuita basa ravo pasina zvimhingamipinyi zvakawanda.

Budiriro muchikamu chezvekurima inorevawo kusimukira kwenyaya dzeupfumi munyika nekudaro varimi vanofanirwa kutsigirwa mubasa ravo zvizere.

Share This:

Sponsored Links