Varimi vedonje vogadzirira mwaka wekutengesa

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
Varimi vedonje vogadzirira mwaka wekutengesa

Kwayedza

Tawanda Mangoma ari kuCHIREDZI
VARIMI vedonje vari kumativi mana enyika vogadzirira kuendesa chirimwa ichi kumusika uye parizvino vamwe vatove mushishi yekukohwa.

Sachigaro wesangano reCotton Producers and Marketers Association – VaStewart Mubonderi – vanoti vari kutarisira kuti varimi vachawana pundutso kubva kumutengo mutsva wedonje uyo wakaziviswa neHurumende nguva pfupi yadarika.

“Chirongwa chekupihwa zvekushandisa kuvarimi chePresidential Free Cotton Inputs Scheme Programme chatanga kuve nezvibereko kuvarimi vanodarika 400 000 vechitema. Varimi ava vabatsirika pasi pechirongwa ichi kwemwaka mina yadarika,” vanodaro.

VaMubonderi vanoti vari kutarisira kuwana goho rematani edonje anodarika 200 000 mwaka uno.

“Chinangwa chedu ndechekuti tiwane goho rematani edonje anodarika 200 000. Muchaona kuti takakanganiswa nemvura iyo isina kunaya sezvataitarisira zvichaita kuti goho redu ridzikire.

“Takazotodyarurura chimwe chirimwa ichi sezvo chakange chisina kubuda zvakanaka, asi zvisinei nezvose izvi takave nemwaka wakanaka.

“Takatanga kukohwa chirimwa chakatangidzirwa kudyarwa icho chasvika uye makambani anogaya donje ave kutotumira mabhero kuvarimi. Ichi chiratidzo chekutanga kwemwaka wekutengesa donje uyo wange wakatarisirwa nevarimi zvikuru,” vanodaro.

VaMubonderi vanoti mutengo mutsva wedonje – uyo wakaziviswa neHurumende – wakanaka zvikuru.

Vanoti zvinofadza kuona kuti mushure memakore akawanda, varimi vave kuenda mumunda vaine chidokwa-dokwa chekushanda nesimba vachitsigirwa neHurumende.

Zvisinei, vanoti zvinosuwisa kuti kune mamwe makambani anopa varimi makondirakiti ayo ari kuvasiya vave pamhene vasina zvekushandisa zvakadai semishonga yedonje.

“Varimi vakatambudzika mwaka wose apo zvirimwa zvavo zvaikura asi nhasi uno yave nguva yekukohwa makambani aya ave kudzoka kwavari.

“Vanoda kukohwa pavasina kudya. Zvakakosha kuti varimi nemapurisa vashande pamwechete kudzivirira nhubu dzakadai idzi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links