‘Varimi vefodya pindai muzvirongwa’

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
‘Varimi vefodya pindai muzvirongwa’ KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti inokurudzira varimi vefodya kuti vapinde muzvirongwa zvakasiyana zvemadiridziro sezvairi kusimudzira yakabatana nebhengi guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) neAgribank kuitira kuti vabure mhando yepamusoro yechirimwa.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB inoti inokurudzira varimi vefodya kuti vapinde muzvirongwa zvakasiyana zvemadiridziro sezvairi kusimudzira yakabatana nebhengi guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) neAgribank kuitira kuti vabure mhando yepamusoro yechirimwa.

Mashoko aya akataurwa Mai Monica Chinamasa vanova sachigaro weTIMB kumusika unotengesa fodya weTobacco Sales Floor (TSF) munguva pfupi yadarika.

“Zvinhu zvinorwadza zvikuru kuti fodya iri kutengeswa mwaka uno yakarimwa isina mvura yakakwana yemudenga zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze. Kunonoka kuturuka kwemvura uku mucherechedzo wekuti tinofanira kuvandudza nyaya dzemadiridziro. Varimi vakawanda vanofanira kupinda muzvirongwa zvemadiridziro izvo zvatiri kupa seTIMB, Agribank nebhanga reRBZ,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Huwandu hwevarimi vakanyoresa kurima fodya mwaka uno hwakawedzera nechikamu che40 percent. Taive nevarimi 171 743 vagara vachirima fodya uye vamwe vanodarika 40 000 vevakanyoresa ava varimi vatsva. Izvi zvinoratidza kuti kurimwa kwefodya kuri kuramba kuchisimukira munyika ino zvichitevera mari dzinopihwa varimi kumisika dzinova dzinovakwezva,” vanodaro Mai Chinamasa.

Vanoti bhodhi ravo rakapa marezinesi kumakambani matatu kuti atengese fodya anoti TSF, Boka Tobacco Floors (BTF) nePremier Tobacco Auction Floors (PTAF) mushure meongororo yakaitwa yekuona kuti vainge vakagadzirira here zvakazara kutenga fodya.

Mai Chinamasa vanoti vanoyambira varimi kuti vangwarire kubirwa mari yavo nematsotsi anoswera achitenderera achitengesa zvinhu zvakasiyana pedyo nemisika yefodya.

Vanotiwo zvakakosha kuti varimi vatange vanyoresa fodya yavo vachibhuka vasati vaiunza kumisika kuitira kuti vasazopedzerwe nguva yavo.

Share This:

Sponsored Links