Varimi vefodya vochema nemari yezvifambiso

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Varimi vefodya vochema nemari yezvifambiso Kuburikidza nekukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yemafuta edzimotokari, vemarori anotakura fodya vanonzi vari kuramba vachikwidzawo mari yavo.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vefodya kubva kumativi mana enyika ino vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwemari yavanoti vari kunzi nevemarori vabhadhare pakutakurirwa chirimwa chavo kuenda kunotengesa kumisika inova nyaya yavanoti ichaita kuti vakawanda vavo vatadze kudzokera muminda mumwaka unotevera.

Kuburikidza nekukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yemafuta edzimotokari, vemarori anotakura fodya vanonzi vari kuramba vachikwidzawo mari yavo.

VaIsaac Mazambani (60) — avo vanorima vari kuTengwe, kuKaroi – vanoti bhero rimwechete refodya kubva naro kumusha kwavo kusvika kuHarare vari kuchajwa mari inotangira pa$50 kusvika $100.

“Izvozvi ndauya kuno kuTobacco Sales Floor (TSF) nemabhero angu gumi efodya ndachajwa $700 murori yandauya nayo uye kune vamwe vatobhadhara mari inodarika apa zvichifambirana nehuwandu hwemabhero avo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvave kutotyisa kuti murimi utakure fodya yako kubva kumusha kuunza kumisika nekudhura kwave kuita vanhu vemarori ava.”

Mashoko avo anotsinhirwa naDavison Gatsi (50) vanorima vari kuChimhanda kuRushinga avo vakawanikwa vari kumusika weBoka Tobacco Auction Floors (BTF) vachiti vaiva vachajwa $60 nevemarori kutakura bhero rimwechete pamabhero avo mashanu ndokubvisa $300.

“Gore rino kwakaipa, hatikwanise kudzokera kunorima zvakare nekuti vemarori vave kushevedzera zvavanoda. Hauzive kuti fodya yako ichanotengwa nemari yakaita sei saka inongova fembera-fembera. Kune vamwe varimi vakatengesa fodya yavo vakasara vaine zvikwereti saka zvinotyisa. Vamwe vave kutengesa mombe kuti vakwanise kubhadhara vashandi nezvimwe zvinhu zvavakatora mukurima nezvikwereti,” vanodaro.

VaAnesu Bwanali (45) vanorima vari kwaChiendambuya kwaRusape vanoti vakaunza mabhero avo 10 kumusika wePremier Tobacco Auction Floors (PTF) ndokubhadhariswa $800 sezvo bhero rimwechete pakutakurwa raichajwa $80.

“Inyaya inorwadza iyi unozoona kuti watengesa mari yawakatakurisa iyi haidzoke fodya yany’ura, saka nhamo yemurimi haisi kupera. Hamheno kuti tichakwanisa kudzokera kumunda here,” vanodaro.

Chamangwiza wekambani inomirira varimi vefodya yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) — Dr Andrew Matibiri — vanoti vari kushushikana zvikuru nemamiriro akaita zvinhu aya.

“Ichokwadi varimi vedu vakatarisana nematambudziko akasiyana uye nekukwira kwemafuta edzimotokari zvawedzera nekuti bhero refodya rinonzi rave kutakurwa ne$100, kureva kuti murimi hapana chaanosara nacho. Sekambani, tiri kutaura neHurumende kuti kuiswe misika yakawanda inotenga fodya kunzvimbo dzakasiyana munyika,” vanodaro.

Mai Chido Nyakudya vanova managing director kukambani yeBoka Tobacco Auction Floors vanoti musika wavo wefodya wekwaRusape uri kurerutsira varimi vefodya sezvo vamwe vachingobopa mombe kana madhongi voenda kunotengesa fodya yavo pasina kuburitsa mari yakawanda.

“Hongu, varimi varwadziwa kuuya kuno kuHarare nefodya asi vamwe vari kuendesa fodya yavo kumusika wedu weBoka Tobacco Floors kwaRusape sezvo pari padyo nawo, vamwe vanoenda nemabhara chaiwo saka misika ngaiendeswe kuvanhu,” vanodaro.

Zvakadai, TIMB yakazivisa kuti fodya yatengeswa kubva pakavambwa mwaka wekutengesa chirimwa ichi kusvika parizvino inokwana makgs 24 070 824 ichikosha $40 339 764.

Panguva imwechete iyi mumwaka wa2018, fodya yaiva yatengeswa yaiva makgs 29 291 555 uye yaikosha $81 807, 339.

Mari yepamusoro iri kutengwa nayo fodya mwaka uno i$4,66 pakg kuchitiwo yepasi i$0,10c pakg.

PIX: Varimi vefodya vodhurirwa-21/06/19

Fodya murori — VARIMI vefodya kubva kumativi mana enyika ino vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwemari yavanoti vari kunzi nevemarori vabhadhare pakutakurirwa chirimwa chavo kuenda kunotengesa kumisika inova nyaya yavanoti ichaita kuti vakawanda vavo vatadze kudzokera muminda mumwaka unotevera.

 

Share This:

Sponsored Links