Varimi vemapindu vosimudzirwa

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Varimi vemapindu vosimudzirwa

Kwayedza

VARIMI vemapindu kumatunhu eHurungwe neKariba, kuMashonaland West vosimudzirwa zvikuru nesangano rakazvimirira izvo zvavandudza upenyu hwevanhu vazhinji.
Carbon Green Kariba Redd isangano riri kubatsira varimi kurima mapindu nekuitawo mamwe mabasa akasiyana ekurima.

Kunze kwezvirimwa, sangano iri riri kubatsirawo kurimwa kwemiti yemusango inorapa zvirwere zvakasiyana.

Rimwe boka revarimi riri kubatsirwa nesangano iri ndere Tashinga Community Garden Project rekuNyamakate kwaShe Chundu kuHurungwe. Imwe nhengo yemushandirapamwe uyu, Mai Sipelile Mazerenganwa, vanoti kuburikidza nechirongwa ichi mhuri zhinji dziri kuwana pundutso.

“Pano tine nhengo dzemushandirapamwe wedu dzinokwana 31, tinopihwa zvose kubvira kumbeu, fetereza, mishonga yekuuraya tumbuyu uye waya yekukomberedza mapindu aya takapihwa nemapombi ekudhonza mvura kubva muzvibhorani izvo takachererwa zvakare nesangano iri,” vakadaro.

“Izvozvi tinorima mhando dzose dzezvirimwa nguva yose yegore, tinotengesera muno munharaunda kana kuendesa kuKaroi nekuKariba.”

Kunze kwekuwanisa varimi zvekurimisa mumapindu, sangano iri rinogadzirisa zvibhorani nekudzidzisa varimi kupfuya nyuchi.

“Utano ndicho chimwe chinhu chekutanga, takadzidziswa kurima miti inorapa yemaherbs apo tinotora miti iyi tichizvirapa pachena pasina kuburitsa mari,” vakadaro Mai Mazerenganwa. Varimi ava vane homwe yemari yavanounganidza apo murimi woga-woga anobvisa US$2 pasvondo inozoshandiswa kuriritira nherera dzemudunhu iri, kusanganisira kudziendesa kuchikoro.

Mai Mazerenganwa vanoti parizvino kune vana vanokwana gumi vari kubhadharirwa mari dzechikoro, kutengerwa mayunifomu nemabhuku nezvimwe zvinodiwa vari kuzvikoro zvepuraimari zveNyamakate neChipfuko kuburikidza nechirongwa ichi.

Dzimwe mbesa dziri kurimwa dzinosanganisira muriwo, matomatisi, bhinzi, chibage, hanyanisi nederere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey