Varimi vemasamba vosimudzirwa

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Varimi vemasamba vosimudzirwa Varimi vemasamba, VaMunetsi nemudzimai wavo, vachikohwa chirimwa chavo kuHonde Valley svondo rapera.

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke

VARIMI vemasamba vekuHonde Valley vanotarisirwa kubatsirika zvikuru pasi pechirongwa chehomwe yemari inosvika US$15 miriyoni yakabva kusangano rakazvimirira reEngineers Without Borders iyo ichashandiswa kuvakisa nzvimbo yavanoomesera zvirimwa zvavo, kuzvigadzirisa zvakasiyana nepekuzvichengetera.

Varimi vari pasi pesangano reHonde Valley Tea Growers Association vachabatsirikana pasi pechirongwa ichi uye vachadzidziswa kurima masamba aya, zvikuru emhando yewhite tea.

White tea inonzi yakanaka zvikuru kana ichienzaniswa nemamwe masamba anorimwa muZimbabwe.

Mhando yemasamba ewhite tea anonzi anokohwewa mashizha asati anyatovhurika ose apo anenge achine sezvakaita mvere chena uye ndipo panobva zita rekuti white tea.

Vachitaura svondo rapera, VaMisheck Dembaremba avo vanove Zimbabwe Farmers Union district co-ordinator uye vari nhengo zvakare yesangano reHonde Valley Tea Growers Association vanoti homwe iyi ine chinangwa chekutsigira mapurojekiti emuZimbabwe neSierra Leone.

“Sangano reEngineers Without Borders (EWB) rakauya kwatiri kuburikidza nevamwe varinodyidzana navo uye ndokutaridza chido chekutsigira kurimwa kwewhite tea kuvarimi vadiki.

“Vanoda kuvaka nzvimbo yekuomesera masamba, kuisa midziyo yemoto wemagetsi unobva muzuva (solar) wekushandisa pamuzinda uyu nekupeka zvinhu zvinenge zvagadzirwa. Purojekiti iyi ichananganawo nekuomesa masamba pamwe nekuagadzira uye nekuzoatengesa. Vachavakawo kamuri inotonherera yekuchengetera zvimwe zvirimwa zvatinorima zvakadai sematomatisi,” vanodaro.

VaDembaremba vanoti white tea ine basa rakawanda pakuirima nekuti pakukohwewa zvinoitwa nemawoko kusiyana nemamwe masamba ayo anogona kukohwewa pachishandiswa michina.

Zvisinei, white tea inopa mari yakawanda pamusika kumurimi kana zvichienzaniswa nemamwe masamba anorimwa.

“Tiri kuti 1kg yemhando yemasamba aya inobhadharwa

10 Pounds (US$12.94), inove mari yakawanda zvikuru kana tichitarisa kuti mamwe masamba atinorima tiri kuatengesa $0,60c muno muZimbabwe. Asi kuti murimi akohwe 10kgs hazvisi nyore saka tinofanirwa kushanda tose kuti tiwane goho riri nani,” vanodaro.

VaDembaremba vanoti sangano reEWB richabatanidzawo varimi nevemisika yekunze uye richaramba richivatsigira kusvikira vave kukwanisa kuzvimirira.

“Vanoda kudzidzisa varimi vemuZimbabwe kuti white tea inorimwa sei, zvainobatsira uye kuti tingaite sei kuti ive yemhando yepamusoro. Dzidziso iyi ichaitirwa kuKenya gore rino risati rapera. Zvisinei, kune vamwe varimi vasina mapasipoti saka vari kuvabatsira kuti vawane magwaro ekufambisa aya,” vanodaro VaDembaremba.

Sangano reHonde Valley Tea Growers rine murimi mumwechete akatotanga kurima white tea.

 

Share This:

Sponsored Links