Varimi vemombe 1 200 vasungwa

30 Aug, 2022 - 15:08 0 Views
Varimi vemombe 1 200 vasungwa Dr Basera

Kwayedza

Theseus Shambare

VARIMI vemombe vanosvika 1 200, avo vakatadza kutevedzera zvirongwa zvekudzidhibhisa zvipfuyo zvavo, vakasungwa pamwe nekutongwa gore rino zvichitevera matanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekudzivirira mombe kubva kuzvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.

Bazi reDepartment of Veterinary Services (DVS) rinoti zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe zviri kuita kutinyika irasikirwe nezvipfuyo zvinodarika chikamu che60 percent.

Mugore ra2018, mombe dzinodarika 50 000 dzakafa nechirwere cheTheileriosis kana kuti January Disease.

Zimbabwe iri kuramba ichirasikirwa nezviuru zvemombe pagore nekuda kwechirwere ichi pamwe chete nezvimwe zvinosanganisira anaplasmosis, heartwater nebesiosis.

Pasi pemutemo weCommunal Act of Zimbabwe, murimi wose anosungirwa kuburikidza neAnimal Health Act kunodhibhisa mombe dzake uye kana akasadziendesa anosungwa, otongwa.

Pavarimi vanosvika 1 200 vakasungwa, dunhu reMakoni ndiro riri pamusoro uko kwakabatwa varimi 430.

Huwandu uhu hwakaona pachitumirwa chikwata chakabva kubazi rezveminda, kurima, nyaya dzekuchengetwa kwehove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa icho chakashanyira kwaMakoni svondo radarika chichipa chenjedzo pamusoro pekudzivirira zvirwere zvemombe.

Munyori mukuru mubazi iri, Dr John Basera vanoti kufa kwemombe zhinji munyika kuri kukonzerwa nezvikwekwe.

“Kunyangwe chirwere cheJanuary Disease chiri kunyuka pakati paZvita naKurume nekuda kwehuswa huzhinji hungadai huchimera, zvikwekwe zvichiwanda.

“Pakaitwa chenjedzo kuti varimi vatevedzere mitemo yekudhibhisa mombe asi senguva dzose, tinosangana nematambudziko evamwe vasingade kutevedzera zvinenge zvichitaurwa.

“Pakadai apa tinosarudza kuita zvinenge zvakatarwa pamutemo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links