Varimi venyuchi vonyunyuta

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Varimi venyuchi vonyunyuta

Kwayedza

VARIMI vari mubhizimusi rekuchengeta nyuchi pamwe nekugadzira huchi vari kuchema-chema nekuda kwemakoronyera ayo vanoti ari kutengesa huchi hwemanyepo zvinova zviri kukanganisa misika yavo munyika muno pamwe nekunze.

Vachitaura pamusangano wevarimi vari mubhizimusi iri weApi-Expo Africa 2014 wakaitwa nguva yadarika muHarare, varimi vazhinji vakaratidza kunyunyuta nekuda kwemakoronyera aya.

“Kudai Hurumende yatibatsira nekudzika mitemo yakasimba zvikuru nekuti ratove dambudziko guru riri kutiurayira bhizimusi. Isu semakambani akawaniswa magwaro ekugadzira huchi zviri pamutemo tave kurasikirwa nemakasitoma nekuda kwemakoronyera ayo ari kumira mumigwagwa vachitengesa huchi hwakasanganiswa netsvigiri,” vakadaro VaSheperd Mabvudza vekuTagwena Natural Honey Project iyo iri kuNyanga.

Mai Similo Malanda (51), vanove munyori kuMidlands Honey Project, vakati mapurisa anofanira kusunga makoronyera aya nekuti ari kukanganisa utano hwevanhu.

“Isu tinogadzira huchi hwedu munharaunda matigere nekuti hatisati tava nenzvimbo dzakati tsvere dzekuitira mabhindauko edu saka makoronyera awanda zvikuru ayo anofamba achitengesa huchi hwemanyepo achishandisa mazita redu. Vamwe vanotoshandisa magaba ane tsvina zvinova zvikonzera zvirwere kune veruzhinji,” vakadaro.

Zvakadaro, Mai Agnes Madzara avo vanove Arex Training Specialist kuMashonaland East vakayambira vatengi kuti vaedze kucheredzedza huchi hwechokwadi.

“Huchi hwechokwadi hunoonekwa nekuita chinhu chakaita sechibhora mukati kana gaba racho richinge ratsindirwa.

Kana vatengi vakakundikana kucherechedza zviratidzo izvi vanotengeserwa huchi hwakasanganiswa neshuga uye zvine dambudziko guru zvikuru kuvanhu vanorwara nechirwere cheshuga avo vanenge vakarambidzwa nemachiremba kuti vasadye shuga,” vakadaro.

Vakati dambudziko rekutengeswa kwehuchi hwemanyepo rakanyanya kutekeshera mumugwagwa unobva Harare uchienda kuMarondera.

Vakakurudzira vatengi kuti vadzidze kutenga huchi kumakambani akanyoreswa zviri pamutemo senzira yekuderedza dambudziko iri.

Musangano uyu wakapindwa nevemakambani ari mubhizimusi rekuchengeta nyuchi vakabva kunyika dzakadai seUganda, Kenya, Italy, France, Mozambique, Tanzania, South Africa, China, Rwanda neZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links