Varimi vobhadharwa fodya nemaUS$

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Varimi vobhadharwa fodya nemaUS$ Dr Mangudya

Kwayedza

Golden Sibanda naMartin Kadzere

BHANGA guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rinoti rakatanga kugadzirisa matambudziko akasanganikwa nawo nevarimi gore rapera pakubhadharwa kwefodya kuitira kuti mwaka uno vazopihwa chimwe chikamu chemari yavo iri musvo wemaUS$.

Mushure mekupihwa chimwe chikamu chemari yavo ari maUS$, varimi vanopihwawo imwe yacho iri yemuno.

Izvi zvauya apo gore rapera varimi vefodya vakawana mari yavo iri yemuno ichienzaniswa hukoshi neyekunze (inter-bank rate).

Masangano anomirira varimi anoti gore rapera varimi vakatadza kuwana chikamu chemari yavo chemaUS$ zvisinei nekuti pane mutemo waiti vaifanira kuwana mari iyi.

Zvaitora nguva kuti varimi vakwanise kuwana mari yekunze iyi mushure mekutengesa fodya yavo.

Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, varimi vazhinji vakapedzisira varamwa kuti vatore mari yavo ari maUS$.

Nekuda kwekuderera kwemitengo yefodya mwaka wapfuura uye kusarongeka zvakanaka kwenzira dzekutengeswa nadzo, varimi vazhinji vakanga vati havacharimi chirimwa ichi zvakare.

Vanotenga fodya vakashungurudzawo varimi nekuderedza mitengo senzira yekuratidzira kumutemo wakanga waiswa neRBZ wekuti vaizopihwa chimwe chikamu chezvikwereti kubva kuvarimi nemari yemuno mushure mekushandisa mari yekunze kuti vatsigire varimi.

Varimi vakapedzisira vobhadharwa nemari yemuno iyo yaidzikira hukoshi hwayo kuburikidza nekukwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu muzvitoro.

Izvi zvakawedzera apo nyika yakamira kushandisa mari yekunze pave nemutemo wekuti mari yemuno chete ndiyo inoshandiswa pakutenga nekutengeserana.

Fodya inopa nyika ino mari inosvika US$1 bhiriyoni pagore uye mwaka wekutengeswa kwayo mari yekunze inowanda zvakanyanya munyika.

Mutemo wakaiswa wekuti varimi vaifanira kuvhurisa maakaundi ekuisa mari yekunze emaForeign Currency Accounts (FCAs) uye kuti vaikwanisa kutora US$0,10 cents pakirogiramu rega rega refodya, wakagumburisa varimi vakawanda.

Pane umboo hunotaridza kuti vamwe varimi vefodya vakati vava kusiya zvekurima chirimwa ichi uye chikamu chavo che16 percent havana kunyoresa kuti varime fodya  mumwaka wa2019/2020 munaMbudzi gore rapera kana zvichienzaniswa nemwaka wakapfuura wacho.

Parizvino pari kuitwa tsvakurudzo yekuona kuti mwaka uno ungabuditsa goho rakawanda sei refodya.

Gavhuna veRBZ — Dr Jonh Mangudya — vanoti vatanga kushanda pamwechete neTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) kugadzirisa mabhadharirwo achaitwa varimi vefodya gore rino.

“Hapana chatakasandura kubva pane zvaiitika gore rapera, chimwe chikamu chemari varimi vanowana ari maUS$. Tinoda kuti varimi vawane mari nemazvo uye nenguva. Varimi vanofanira kuwana mari yavo nenguva kuti vadzokere kuminda kunorima zvakare,” vanodaro.

Chamangwiza weTIMB Dr Andrew Matibiri vanotsinhira mashoko eRBZ vachiti vari kushanda nesimba kuti varimi vawane chimwe chikamu chemari yavo uri musvo weUS$

“Ichokwadi kuti tiri kushanda kugadzirisa nyaya iyi asi tichangotanga kuigadzirisa,” vanodaro.

Zvisinei, Dr Matibiri vanoti chimwe chikonzero chakaita kuti varimi vasakwanise kuwana maUS$ gore rapera ndechekuti vakanga vasina mari yemuno kuti vatenge maUS$ acho.

“Dambudziko rakaitika nderekuti pakazouya maUS$ varimi vakanga vasisina mari yavo yemuno yekuti vatenge maUS$ nekuti vaibva vaishandisa yose pavanenge vaiwana yapinda mumaakaundi avo,” vanodaro.

Chamangwiza weZimbabwe Tobacco Association (TBA) VaRodney Ambrose vanoti varimi havana kuwana mari yavo ari maUS$ nekuti paidiwa kutorwa matanho akawanda kuti vaiwane.

Vanoti vari kushanda nesimba kuti zvigadziriswe varimi vawane mari yavo uri musvo weUS$.

Mukuru weZimbabwe Farmers Union VaPaul Zakariya vanoti vari kushanda nevarimi pamwechete nemamwe masangano mukuona kuti varimi vangabhadharwa sei zvakanaka mwaka uri kutevera wekutengeswa kwefodya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey