Varimi vodzidziswa kupfuya hove

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority rinoti rakatanga zvidzidzo zvekupfuya hove kuvarimi vanodarika 200 munyika nedonzvo rekuti vavandudze mabasa avo.

Mukushi wemashoko kubazi iri, VaTinashe Farawo, vanoti chinangwa chavo ndechekuti varimi vawane punduko kuburikidza nemabhindauko akadai.

“Tiri kushanda nebazi rezvekurima uyewo nebazi rinoona nezvekushanyirwa munyika muno nemamwe mapazi akasiyana munyaya dzekuvandudza kupfuiwa kwehove. SeNational Parks, tine nzvimbo dzine hove uko varimi vedu tinoenda tichivarakidza hove dzemhando dzakasiyana apo vanoita zvidzidzo zvavo,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti chirongwa ichi vakatochitanga kare kunharaunda yeNorton uko vari kudzidzisa varimi vachazopihwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo izvi.

“Isu basa redu seNational Parks kuchengetedza mhuka dzesango zvinosanganisira idzo hove nekudaro hove dzakaonekwa kuti dzinokwanisa kupfuiwa dzichiraramisa varimi vakawanda. Ichi ndicho chikonzero takatanga nekupa zvidzidzo kuvarimi ava nekudaro takasarudza nzvimbo dzatiri kuita izvi uye takatanga nekuNorton,” vanodaro.

Varimi ava kana vachinge vazopedza zvidzidzo izvi vanoti vachabatsirwa kuti vawane hove dzekutanga nadzo bhizinesi rekudzipfuya.

“Zvidzidzo zvatinovapa zvinosanganisira zvinodiwa nehove zvakadai semadzinogara (fish ponds) kana madziva acho uyewo kuti dzinoda kudya kwakaita sei nenguva inodiwa kuti varimi vazokohwa hove dzavo. Tiri kuzotarisawo kuti varimi ava vanozotengesa hove dzavo kupi,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti hove kudya kunodiwa zvakanyanya pasi rose kudarika imwe nyama uyewo hadzinetse kuchengeta dzichiunzawo mari yakawanda kuvarimi nemunyika.

“Tinotarisira kuti panopera gore rino tinenge tadzidzisa varimi vanodarika chiuru kupfuiwa kwehove avo vachabatsirwa kuvaka mafish ponds acho nenyanzvi dzekubazi kwedu. Kune dzimwe nyika dzisina nzvimbo dzekurima idzo varimi vanorarama nekupfuya hove vachitengesa,” vanodaro.

Bazi ravo, vanodaro VaFarawo, rine zvirongwa zvakawanda zvikuru zviri kubatsira punduko yevarimi izvo zvinosanganisira kupfuiwa kwemakarwe, kweshiri dzakasiyana nemhuka dzesango nezvimwewo zvinokwezva vashanyi munyika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey