Varimi vopihwa mibairo

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Varimi vopihwa mibairo Amai Matingo (pakati vakapfeka nguwani yeSeed Co) vachitambidzwa mubairo wavo wemudhudhudhu apo mukuru weZAS, Dr Masuka varipo kuperekedza mukokwa mukuru VaMathew Sibanda.

Kwayedza

Clemence Mucharedzeyi
AIVA makuwerere nguva pfupi yadarika apo Zimbabwe Agricultural Society (ZAS) yakatsigirwa nemakambani anosanganisira Seed Co pakupemberera kuhwina kwakaita VaMatingo mubairo wekutanga kuZAS.

Muyenzi mukuru pachiitiko ichi aiva mukuru weBolt Gas, VaMathew Sibanda avo vakakorokotedza Mai Matingo vachikurudzira nyaya yekukwikwidzana mumashoo.

Dr A Masuka, avo vanova mukuru weZAS avo waiva nemukokwa mukuru wakakurudzira vemakambani kuti vaite zviyedzwa zvavo muminda kubva pakuongorora ivhu, kurima kusvika zvirimwa zvaibva.

VaMathew Sibanda pakugashidzwa kwemubairo kuna VaMatingo. Vakakurudzira varimi kurima zvinoendeka.

Vakakunda wakawana mibairo yakawanda inosanganisira kurimirwa, mbeu nemishonga yekufirita kwemakore matatu. Mbeu yeSeed Co inova ndiyo yakarimwa nemurimi uyu pagore raakakunda yakauya nemubairo mukuru.

Mhemberero yakatangira kumunda apo mwana wawo musikana akatanga kutsanangura kurima kwavakaita mbeu yaiva mumunda gore rino. Kubva kuSeed Co vakarimawo mbeu dzinoti SC649 neSC529 dzinova mbeu itsva idzo dziri kukurudzirwa kurima.

Kumunda ikoko kwaiva naVaMasuka vanova mukuru we Zimbabwe Agricultural Society avo vanotsigira kurima kwakanaka uye kunaka kwembeu yaiva yarimwa gore rino. Vakakurudzira mhuri yakasara kuti varambe vachiita mabasa makuru aiitwa naVaMatingo.

Mukuru wedunhu reEastern Region kuSeed Co, VaSimba Gotosa, vanoti varimi kana vava kuda kurima mbeu dzine goho, mbeu dzinoti kana dai vakarima ndima duku asi vanokohwa zvinoita kuti vadye vachiguta uye imwe voendesa kunotengesa sekuGMB, ngavarime mbeu dzeSeed Co.

VaGotosa (kurudyi) vachipakurira varimi manakiro embeu dzeSeed Co.

Murimi anoda kuziva zvinhu zvitatu pakunosarudza mbeu zvinoti kureba kwemuguri, kutetepa kwebungu zvoreva kudzama kwetsanga izvo zvinoita kuti goho rake rikure.

Murimi anoda kurima mbeu dzinoshingirira zuva, dziine goho rakakura uye dzichichimbidza kuibva.

Mukokwa mukuru VaSibanda, vakabva kukambani inogadzira michina yakasiyana-siyana, uye mumwe wacho wakagamichidzwa kumurimi semubairo wekugona kurima.

Vakakurudzira varimi kuti vadzidze kurima kwakanaka kubva pamusha paVaMatingo.

Vakaenderera mberi vachiti mugore riri kutevera, vanotarisirawo kuti varimi vakawanda wacharima uye kupindawo mumakwikwi ekuratidzira zvirimwa zvavo. Vakatendawo vamwe vabatsiri vaivepo.

Varimi vakawanda vakakokorodzana kuuya kuchiitiko chekwaMatingo uko vakaona mumwe wavo achigamuchidzwa mubairo wake wekugona kurima.

Murimi akazotambidzwa mibairo yake iyo inosanganisira kurimirwa munda, kupihwa mbeu nemishonga kwemakore matatu, chigayo chekutonongora chibage.

Kubva kuna sahwira wemurimi Seed Co vakapihwa mudhudhudhu. Mubairo uyu uchavabatsira zvikuru pakuita mufamba nyore. Pakapembererwa zvikuru vanhu vakafara.

Kuti Seed Co ndokuti sadza nemuriwo!

Clemence Mucharedzeyi murimisi weSeed Co kuManicaland. Anobatika panhare dzinoti 0773 525 355.

Share This:

Sponsored Links