Varimi vorasikirwa nemombe

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Varimi vorasikirwa nemombe VaPhillimon Majere (kubva kuruboshwe) vaina Farai Majere naKurai Majere vachivhiya mombe mushure mekunge yabatwa nechirwere chekuzvimba musoro kuBuhera nguva pfupi yadarika. - Mufananidzo naMemory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vekwaSadunhu Nemhari kwaMambo Nyashanu, kuBuhera vari kushushikana zvikuru nekuda kwechirwere chekuzvimba misoro chemombe dzavo icho chinoita kuti dzife mushure menguva pfupi-pfupi. Vagari vemumusha waSabhuku Majere vamwe vakatarisana nedambudziko iri uye vanoti vave kutoona zvakakodzera kuti vauraye mombe dzavo vakangoona denda iri ratanga.

VaPhillimon Majere (34) vanoti vakarasikirwa nezvipfuyo zvavo kuburikidza nechirwere ichi.
“Hatizive kuti chirwere rudzii asi nyaya iripo mombe dzedu dzapera kufa, dzinotanga nekuzvimba mutsipa kwemazuva angaite mana kusvika kugumi mombe inobva yafa. Dambudziko iri riri kusangana nemombe hombe chete mhuru hapana dzati dzafa,” vanodaro.

Kurai Majere (27) anoti mombe dzake dzakabatwawo nechirwere ichi zvakare.
“Dambudziko remombe dzedu dziri kurwara takanorisvitsa kumahofisi eVeterinary Services kwaMurambinda uko takamirira kuti vashandi vebazi iri vauye kuzoona kuti zviri kumbofamba sei. Zvikarega zvakadaro tinorasikirwa nemombe idzi uye pamwe denda iri richasvika zvakare kune zvimwe zvipfuyo zvidiki zvakaita sembudzi kana makwai,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naFarai Majere (34) achiti panofanirwa kutorwa matanho nekukasika ekupedza dambudziko iri.
“Mombe ndiwo upfumi hwatinorarama nahwo mune zvose kubvira kuendesa vana kuzvikoro kusvikira mukurima nekunorooresa. Zvino dzikapera kufa unoziva kuti pako papera unogona kuzopedza mamwe makore anodarika gumi uchiedza kudzokera panzvimbo zvakare,” anodaro.

Varimi ava vakawanikwa vachitopfupfuridza imwe yemombe yairwara nechirwere ichi vachiti vakanga vatoona kuti ikafa yoga vaizotadza kudya nyama yacho.

“Taona kuti ife yoga tinorasikirwa vanhu havazobvuma kutenga nyama yacho kana isu hatizogona kuidya,” anodaro Majere.
Zvakadai, mushandi webazi reDepartment of Veterinary Services kumahofisi ekwaMurambinda, kuBuhera – uyo akaramba kudomwa zita rake nekuda kwemutemo webasa – anoti anokurudzira varimi ava kubaisa mombe dzavo majekiseni mushure mekumbotanga dzaongororwa nanachiremba vezvemhuka.

“Mashoko emombe dziri kurwara idzi dzichifa hatisati taawana, ngavauye varimi ava tibatsirane asi yambiro yedu huru hatikurudzire kuti nyama yemombe dzinenge dzafa dzoga kana kuti dzavanouraya dzichirwara vadye nekuti vanogumawo varwara. Dzinofanirwa kufushirwa kana kupiswa zvichifambirana nezvirwere zvacho,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links