Varimi vorumbidza Hurumende

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Varimi vorumbidza Hurumende VARIMI vari kurumbidza Hurumende zvikuru nekukasira kwairi kuita kuvapa zvekushandisa pakurima vachiti izvi zvinoita kuti vakwanise kugadzirira mwaka zvakakwana.

Kwayedza

Elita Chikwati

VARIMI vari kurumbidza Hurumende zvikuru nekukasira kwairi kuita kuvapa zvekushandisa pakurima vachiti izvi zvinoita kuti vakwanise kugadzirira mwaka zvakakwana.

Mukuru wesangano rinomirira varimi reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaShadreck Makombe, vanoti zvinofadza chaizvo kuti varimi vakatotanga kuwana zvekushandisa mukurima kwavo.

“Kupihwa kwevarimi zvekushandisa kwakatotanga uye tinozvirumbidza zvakanyanya nekuti zviri kuratidza kuti kugovewa kwezvekushandisa izvi kwati wedzerei kana tichienzanisa nemamwe makore adarika,” vanodaro.

VaMakombe vanoti izvi zvinoratidza zvakare kuti pava negadziriro yakanyanya nekuda kwekutarisana kwaita varimi nemwaka wekurima.

Varimi parizvino vari kuwana ruzivo rwakakwana maererano nekupihwa kwavachaitwa zvekushandisa.

VaMakombe vanoenderera mberi vachiti varimi vari pasi pechirongwa cheCommand Agriculture vane madiridziro avo akaongororwa uye vakatotanga kuwana zvekushandisa.

“Vamwe varimi vachiri kugadzira mapepa avo ekuti vawane zvekushandisa pakurimisa uye vemakambani anopa makondirakiti parizvino vari kufamba vachionana nevarimi. Zviri kuratidza kuti munhu wese ane chidaka-daka chekuda kuwana chaanorima. Mitengo yembeu muzvitoro parizvino ichakakwira uye vazhinji havasi kukwanisa kuitenga. Izvi zvinokanganisa mativi ose nekuti vemuzvitorowo havakwanisi kuwana mari kana vanhu vasingatenge,” vanodaro.

Zimbabwe Farmers Union executive director VaPaul Zakariya vanorumbidzawo Hurumende nekugovera kwairi kuita zvekushandisa kuvarimi.

“Kugovewa kwezvekushandisa pakurima kuri kuitwa pachishandiswa maVoucher. Izvi zvinobatsira kuti zvive nyore uye basa iri rifambe zvakanaka pasina matambudziko. Zvakanakira kugovewa kwezvekushandisa pakurima izvi ndezvekuti zviri kugovewa mvura isati yatanga kunaya zvekuti painozotanga kunaya varimi vanenge vava nezvikwanisiro zvavo uye vanorima nekukasira,” vanodaro

VaZakariya vanoti varimi vasina kukwanisa kupinda muzvirongwa zvekugoverwa zvekushandisa vari kusangana nematambudziko ekuzvitenga sezvo zviri kuramba zvichikwira mitengo muzvitoro, kusanganisira mbeu.

“Varimi vanozvitsvagira nekuzvitengera mbeu nezvimwe zvinodiwa pakurima ndivo vari kusangana nematambudziko pakuzvitenga. Mitengo yacho iri kuramba ichikwira. Varimi ava vanogona kuzopedzisira vaderedza huwandu hwezvirimwa zvavo kana mitengo ikaramba ichikwira. Parizvino fodya yekudiridzira yava kutorimwa.

“Nyangwe zvazvo varimi vazhinji vefodya vari kurima nemakondirakiti, vaya vari kuzvitengera zvekushandisa vanodawo rubatsiro munyaya dzezvekushandisa pamwe chete nemari dzekubhadhara vashandi,” vanodaro VaZakariya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Fodya inorimwa kusati kwanaya yatova pedyo nekuti ichisimwa. Ishuviro yedu kuti varimi vefodya vanokwanisa kubata nguva yekunaya kwemvura kuti vafambirane nemwaka.

“Kune vari pazvirongwa zvekupihwa zvekushandisa pakurima, chishuviro chedu kuti vese vawane zvikwanisiro nguva iripo vashande nemvura yekutanga kwemwaka.”

Mashoko avo anotsinhirwa nemukuru wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Mai Depinah Nkomo vachiti kupihwa kuri kuitwa varimi zvekushandisa pakurima idanho rakanaka zvikuru.

 

Share This:

Sponsored Links