Varimi vorumbidza mitengo mitsva

17 Apr, 2019 - 14:04 0 Views
Varimi vorumbidza mitengo mitsva Mai Depinah Nkomo

Kwayedza

Elita Chikwati
VARIMI vakatambira nemufaro mitengo mitsva yezvirimwa zvakasiyana yakaziviswa neHurumende svondo rapera vachiti zvichaita kuti vawane pundutso mubasa ravo, asi vari kukumbira kuti mitengo yezvekushandisa ive yakagadzikana.

Hurumende nemusi weChipiri svondo rapera yakazivisa mitengo mitsva yezvirimwa mumwaka wa2018-2019.

Dare reCabinet rakapasisa chikumbiro chegurukota rebazi rezvekurima chekuwedzera mitengo yezvirimwa izvo zvakaona wechibage nedzimwe mbesa diki uchienda pa$726 patani imwechete, gorosi $1 089, soya bean $918 nedonje $1 950 patani.

Varimi vanoti mitengo mitsva yezvirimwa iyi yakanaka asi ndokunge yezvekurimisa zvakadai sefeteraiza, mbeu nemishonga ikasaramba ichikwira.

Sachigaro wesangano reAgri Masters Syndicate, VaGarikai Msika, vanoti vanorumbiza Hurumende nekuwedzera kwayakaita mitengo yezvirimwa uye ndokuti nyaya huru iri pakuona kuti mitengo yezvinoshandiswa mukurima haingokwidzwe zvisina tsarukano.

“Nyaya iripo ndeyekuti murimi anokwanisa here kudzokera mumunda kana mitengo yezvekushandisa ikaramba ichikwira,” vanodaro.

“Mubasa redu, hatirime nhasi tokohwa mangwana, asi mushure memwedzi yakati kuti. Tinoda kuti mitengo yezvekushandisa igadzikane. Kuti zvinhu zvigadzikane, tinofanira kubatana Hurumende, vemaindasitiri nemamwe mapoka ose kusvikira kuvatengi,” vanodaro.

Mukuru wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Mai Depinah Ngomo vanoti varimi vanonzwa kukurudzirwa mubasa ravo nekuda kwemitengo mitsva yezvirimwa iyi.

“Mutengo wakare wechibage nembesa duku we$390 patani imwechete wakange usisina pundutso,” vanodaro.

“Kutya kwedu kuri pakuti vanotengesa zvekushandisa pakurima vanogona kuwedzera mitengo yezvinhu zvavo zvinhu zvose zvobva zvashaya basa.”

Chamangwiza wesangano reZimbabwe National Farmers Union VaEdward Dune vanoti mitengo mitsva iyi iri pasi pane yange ichitarisirwa nevarimi.

“Mitengo yezvekushandisa zvose yakakwira kanokwana kana kusvika kashanu nekuda kwemamiriro ezvinhu mumusika wezvemari nekudaro izvi ndizvo zvinofanira kunge zvichitika panyaya yemitengo yezvinhu zvose,” vanodaro.

Vanoti sangano ravo richaisa chimwe chikumbiro kuHurumende chekuti mitengo yezvirimwa iyi ikwidzwe zvakare.

VaBoniface Chitate – avo vanorima vari kuGoromonzi – vanoti mitengo yezvirimwa iri pamusoro asi inogona kuzoshaya basa nekukwira kweyezvekushandisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>