Varimi voshanyira Prime Seed Co

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
Varimi voshanyira Prime Seed Co Elizabeth Benjamin wePrime Seed Co achitsanangurira varimi vekwa Chiendambuya

Kwayedza

Elizabeth Benjamin
PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nedzemafuro ezvipfuyo. Ikambani inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro – dziya dzinodaidzwa kuti ma “hybrids”.

Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza (good quality) zvokuti mutengi pamusika anotomhanyira iwo mahybrids.

Goho rinobva pambeu yemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandisa pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomupa mukana kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezvehybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderera pamutengo kudarika mahybrids. Aiwa varimi, akupanga zano ndewako, zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Vhiki rino tinokurukura nezvekushanyirwa kwakaitwa vePrime Seed Co nevarimi vekwaChiendambuya, kuMakoni District, kwaRusape, musi wa10 Chivabvu 2018.

Varimi vanosvika makumi mashanu nevatatu (53) vakasvika pamuzinda mukuru unorimwa mbeu dzose dzemiriwo dzinotengeswa nePrime Seed Co. Nzvimbo iyi inodaidzwa kuti Prime Seed Co Trial Site iyo iri kuStapleford pedyo neguta reHarare.

Varimi ava vakauya vaine chinangwa chekuona zvirimwa zvakasiyana-siyana uye kudzidza kuti zvinorimwa sei kuti murimi awane goho repamusoro. Varimi ava vaitungamirirwa nemukuru wemadhumeni kunharaunda yeHeadlands, Muzvare Manduna, nemudhumeni wekwaChiendambuya, VaChinyama pamwe chete nemurimisi wekuSeed Co anoshandira maRusape uye achibata nharaunda dzakatenderedza, Muzvare Omega Chigwanda.

Varimi vekwaChiendambuya vakagamuchirwa nemufaro nevashandi vePrime Seed Co. Vakataurirwa pamusoro pezvinoitwa paTrial Site ndokubva vazopinda mumunda vachiona miriwo yakasiyana-siyana. Vakatanga nekuona mbeu dzakarimwa muma “greenhouse” dzinoti madomasi, magaka echiRungu, sweet pepper nemanwiwa kana kuti mavise.

Zvirimwa izvi zvakakatyamadza vazhinji veboka iri nokuti vakanga vasati vamboona kana kuwana ruzivo rwakanangana nekurima muma “greenhouse”.

VePrime Seed Co vakazotsanangura pamusoro pehanyanisi – marimirwo adzo uye mhando dzehanyanisi. Varimi vakaratidza kushamisika nekurimwa kwehanyanisi dzakapatsa zvokuita 15cm kubva pamutsara kuenda pane mumwe uye 8cm kubva pahanyanisi imwe kuenda pane imwe mumutsara mumwe chete. Varimi vaiti vaiva vajaira kuzvipatsanura zvakanyanya asi apa vakazoona kuti zvinovapa goho repamusoro.

Varimi vakawana mukana wekuyemura makabichi (cabbages) akasiyana-siyana ari mumunda uyu. Vaishamiswa zvikuru nekukura kwakaita mamwe makabichi kudarika mamwe avanoziva. Vazhinji vakaratidza kufarira kabichi reFabiola, iro rinokasika kuibva mushure memazuva 65 kubva pakuridyara.

Murimi wese akafarira nhau yekukasika kubata mari. Muzvare Manduna vanoti: “Fabiola imari zvayo irere. Kwedu uko hatina kumboziva kuti kune kabichi rinokasika kuibva zvakadaro”.

Vanokurudzira vePrime Seed Co kuti vawedzere kushambadza mbeu dzavo dzakanaka zvakadai kuti varimi vari kure vazive nezvadzo. Varimi vakazoti vaona muriwo werape unonzi Rape Rampart, uyo unoibva mushure memazuva makumi matatu chete, vachibva vazvionera kuti chokwadi kuita mari nekurima muriwo hakutani.

Mumwe wevarimi ava, Mai Mukamba, vakakatyamadzwa nazvo vakati; “Inga kusaziva kufa chokwadi, handina kumboziva kuti munhu angatoita mari nekurima rape chaiyo.”

Varimi vakazoti vaona mhando dzemadomasi vakabvuma vega kuti chokwadi nePrime Seed Co unoita mari! Vakayevedzwa nemadomasi anokura uye akasimba. Vakadzidza zvakawanda pamusoro pekuchengetedza madomasi mumunda kuti asarumwe negonye reTuta absoluta, iro rashungurudza varimi vazhinji.

“Isu tajaira kurima Tengeru neRodade asi goho haribude sezvataona pano. Tinoda kutomarimawo mahybrids iwayo,” vanodaro Mai Mukamba.

VaChinyama vanova mudhumeni anoshanda neboka revarimi kwaChiendambuya vakazokurudzira varimi vachiti; “Mazvionera mega varimi zvinoita mbeu dzePrime Seed Co, ngazvisaperera mukuona chete, asi handei tinorima mbeu idzodzi kana tadzokera kwedu.”

Ve Prime Seed Co vanotenda varimisi nevarimi vekwaChiendambuya nekuuya kuzodzidza kubva paTrial Site yavo uye vanovavimbisa kuti kana vachinge varima mbesa dzavakaona, ivo vachazosvikako vachidzidzisana nevarimi kunharaunda yavo.

Kuti varimi vazive zvakawanda pamusoro pembeu dzedu, batai madhumeni ePrime Seed Co akatekeshera nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co

Share This:

Sponsored Links