Varimi votanga kutengesa donje

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
Varimi votanga kutengesa donje Varimi vedonje vakatotanga kuendesa chirimwa chavo kunzvimbo dzinotengeswa donje dziri kumatunhu akasiyana enyika.

Kwayedza

Tawanda Mangoma ari kuCHIREDZI
VARIMI vedonje vakatotanga kuendesa chirimwa chavo kunzvimbo dzinotengeswa donje dziri kumatunhu akasiyana enyika panguva iyo vazhinji vavo vari mushishi yekukohwa.

Mwaka wekutengeswa kwedonje unotanga nemusi weMunhuro unotevera uye bhengi guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) rakazivisa nguva pfupi yadarika kuti varimi vachange vachibhadharwa mari yavo nemaUS$.

Sachigaro wesangano reCotton Producers and Marketers Association — VaStewart Mubonderi — vanoti varimi vari kupinda mumwaka wekutengeswa kwedonje vachifara zvikuru zvichitevera chiziviso cheHurumende chekuti vachabhadharwa chirimwa chavo nemaUS$.

“Tiri kufara zvikuru kuti Reserve Bank (of Zimbabwe) yakazivisa kuti pabhero redonje rose richange richirema 200 kgs murimi anobhadharwa US$10, RTGS $150 uye imwe yose ichabhadharwa pachishandiswa nzira dzenhare,” vanodaro.

“Kuendeswa kumusika kwedonje rinenge richirema makgs ari pasi pe200 kusvika 150 kgs, kuchaona murimi achibhadharwa US$5, RTGS $150 uye imwe yose inenge yasara ichizobhadharwa kuburikidza nenhare kana muakaundi yekubhengi.

“Varimi vakatotanga kuendesa donje ravo kunzvimbo dzakasiyana dzinotengeswa chirimwa ichi sezvo makambani anotenga donje akatovapa imwe mari kare. Mwaka uno tiri kuita zvechimbi-chimbi zvikuru zvichitevera kuziviswa kwakaitwa neHurumende kuti ichange ichibhadhara RTGS $1,95 pakg imwechete. Tinovimba kuti izvi zvichaita kuti nyaya dzekutengeswa kwedonje nerweseri pamusika wemukoto dzidzikire idzo dzinowanzoitika zvikuru panguva ino yegore,” vanodaro.

VaMubonderi vanoti Hurumende iri kutsigira kurimwa kwedonje mushure mekuona kuti varimi vakawanda vakange vave kurega kurima chirimwa ichi nekuda kwekushaya zvekushandisa.

Vanoti zvakakoshawo kuti varimi vedonje vatsigirwe munyaya dzemadiridziro.

“Zvichitevera kudiwa kunoitwa mari yekunze munyika muno, zvakakosha kuti kurimwa kwedonje kusimudzirwe zvikuru uye kuti pave nemadiridziro kuitira kuti tisumudzirewo goho redu.

“Tinofara kuti pave nemhando itsva yembeu yedonje, izvi zvichabatsira kuti tikwanise kumutsiridza chidokwa-dokwa chedu chekurima. Tinoda kuti tibure goho rinosvika matani 400 000 edonje mwaka woga-woga,” vanodaro VaMubonderi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey