Varimi votenda Hurumende

09 May, 2020 - 00:05 0 Views
Varimi votenda Hurumende VaIvan Craig

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vari kutenda Hurumende nematanho airi kutora mukurwisa chirwere cheCovid-19 pamwechete nemikana yavari kupihwa iyo inoita kuti varambe vari mumabasa ekurima panguva iyo veruzhinji vari kukurudzirwa kugara kudzimba.

Muhurukuro naMai Depinah Nkomo avo vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Rural Women Farmers Association vanoti Zimbabwe inyika ine mukurumbira wekurima, nokudaro mabasa aya akakosha zvikuru kuitira kuti vanhu vawane zvekudya, zvikuru panguva ino yekurwisa Covid-19.

“Tinotenda zvikuru President Mnangagwa nekukoshesa varimi apo vakatitendera, pamwe chete nemakambani akakosha, kuti tirambe tiri mubasa rekurimira nyika. Mabasa ekurima haafanire kufa nekuti hatina chikafu chinobva kune dzimwe nyika nekuda kwe lockdown.

“Naizvozvo rava basa redu kana kuti chitsvambe chava kwatiri varimi kuti tirwe timire kuitira kuti nyika ive nemaguta,” vanodaro.

Kuchiti VaIvan Craig, avo vanova director kukambani inouchika mbeu, yeAgriseeds vari zvakare mudhumeni mukuru, vanoti kukosheswa kwakaitwa mabasa ekurima panguva ino chava chitsvambe chikuru kuvarimi kuti varatidze hunyanzvi hwavo.

“Kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 munyika muno chakawana varimi vasina kana kuzvigadzirira. Saka pachiri kutoda dzidziso yakasimba kuti vasiyane nenhau dzekuungana, kumbotandara vachinwa mupeta mushure mekurima kana kutengesa.

“Iko kunwa doro hakukurudzirwe nekuti zvakaonekwa kuti pane mikana yekunonoka kupora kana munhu anoputa fodya kana kunwa achinge abatwa nechirwere seCovid-19. Zvakarewo, ihwo hunhu hwemunhu anenge adhakwa hunogona kuti azvipinze munyatwa yechirwere ichi apo anopinda mune veruzhinji,” vanodaro.

VaCraig vanoti varimi vanga vasina michina yekukohwesa vari kuomerwa sezvo mitemo yezveutano munguva ino yecoronavirus ichirambidza nyaya dzekuungana, nokudaro vazhinji vangangorasikirwa negoho ravo nekubiwa kana kudyiwa nemuchenje, shiri kana kupfukutwa apo richiri mumunda.

“Tine hurombo kuvarimi vane zvirimwa zvakaora kana kukomba zviri muminda panguva yelockdown asi tinovimba zvizhinji zvichakanaka. Ndiyo nguva yapihwa varimi neHurumende kuti vakohwe vachiendesa kumisika.

“Tiri kukurudzira zvekare varimi kuti vaite yatinoti muchirungu value addition vachiomesa zvimwe kana kuisa mumagaba ekuti zvizoshandiswa pamberi apo.

“Izvi zvinoda kuzvirimwa zvakaita sechibage, magwavha, bhinzi, muriwo, madomasi izvo zvinogona kuitwa mifushwa zvichibatsira munguva inotevera. Murimi anoshandisa njere acharuka mari yakawanda mwaka uno,” vanodaro.

Vanowedzera vachiti varimi ngavashandise ruzivo rwavanopakurirwa kumashoo rwekutora kurima sebhizimusi.

Share This:

Sponsored Links