Varimi vowaniswa mashoko neICT

03 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
Varimi vowaniswa mashoko neICT Dr Basera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rezveminda, kurima, hove, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa pamwe nehomwe yeZimbabwe Resilience Building Fund  (ZRBF) svondo rapera vakawaniswa rutsigiro rwemidziyo yekufambisa mashoko mune zvekurima nesangano reUnited Nations Development Programme (UNDP).

Midziyo iyi – iyo inokosha US$154 637 uye inosanganisira makombiyuta nemalaptop – ichabatsira kusimudzira nyaya dzekufambisa kwemashoko ezvekurima, zvikuru sei munguva ino yekurwisana nechirwere cheCovid-19 apo veruzhinji vasingakurudzirwi kuungana zvisina tsarukano.

Vakafanobata chigaro chemumiriri wesangano reUNDP, Muzvare Madelena Monoja, vanoti midziyo iyi iripo pakuona kuti varimi vafambirane nenguva yeruzivo rwechizvino-zvino.

“Tinovimba kuti midziyo iyi ichashandiswa mukusimudzira kufambiswa kwemashoko uye kuchengetedzwa kweruzivo rwakakosha munyaya dzekurima,” vanodaro.

Munyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa – Dr John Basera – vanoti ruzivo urwu rwuchasimudzira nzira dzakasiyana dzekurima pamwe nekuvandudza goho.

“Rumwe ruzivo rwuchange rwuchiwanikwa nevarimi kuburikidza nemasai-sai eindaneti ayo achafambisa nyaya idzi kupfurikidza nemidziyo yatawaniswa rwunosanganisira kunowanikwa mbeu kwayo yekurima, nzvimbo dzine madhumeni anokwanisa kuvabatsira munharaunda dzavo, kune misika yekutengesera zvirimwa uye mitengo neruzivo rwuri maringe nemamiriro ekunze, pakati pezvimwe,” vanodaro.

Dr Basera vanoti kushandiswa rwemidziyo inofambisa mashoko iyi (ICT) kunoita kuti varimi nevarimisi vave netevedzo yakanaka mumabasa avo zvichibatsira kuti vakwanise kurongera ramangwana paine nguva.

Vanoti zvirongwa zvekurima kunoendeka zveResilient Sustainable Agriculture and Climate Proof Technologies zvinotsigirwa nehomwe yeZRBF, zvikuru mukurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze nekuderedza nzara nehurombo munyika.

Share This:

Sponsored Links