Varimi zvidzivirirei kuCovid – ARDA

21 Jan, 2021 - 12:01 0 Views
Varimi zvidzivirirei kuCovid – ARDA VaIvan Craig

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SACHIGARO weAgricultural and Rural Development Authority (ARDA), VaIvan Craig, vari kuyambira varimi kuti vazvidzivirire zvakanyanya kubva kuchirwere cheCovid-19 apo vanenge vachiita mabasa avo.

“Chirwere cheCovid-19 chiriko, asi kune vamwe vachiri kungofunga kuti ijee. Kubva paitwa lockdown yechipiri, ndiri kuona kuti vanhu vepedyo neni varasikirwa neupenyu vanodarika vanomwe uye vamwe varimi vatatu vandinoziva vanosanganisira wekuBindura, wekuManicaland nemumwe wekuChegutu vakashaya nekuda kwechirwere ichochi. 

“Zvinorwadza ndezvekuti kushaya kwavo kwakangoitika nenguva diki zviya zvekuti munhu anongorwara kwemazuva matatu bedzi otoshaya,” vanodaro VaCraig.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vatevedzere matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Zvakakosha kuti varimi tizive mitemo yenyika yedu uye tichikoshesa utano hwedu nehwevamwe. Kana Hurumende yati inoda matsamba ekufambisa tinogona kuawana kubva kumadhumeni, masabhuku kana makanzura edu uye kana tsamba idzodzo dzavapo, tinofanirwa kuzoenda nadzo kumapurisa tonodzidhindisa. 

“Chinangwa chetsamba idzi ndechekuti tifambire zvinhu zvakakosha pakurima sekunotengesa zvirimwa zvedu, kutenga mafetireza, mishonga kana kuti tichienda kunorima pane kuzotora mikana yekuita mamwe madhiri nematsamba iwayo. Imhosva ukazowanikwa uri panzvimbo isiriyo,” vanodaro VaCraig.

Vanoyambira varimi kuti vasiyane netsika yekuungana vachiita misangano uye kukwazisana kwekubatana maoko.

“Pakukwazisana ngatiregedzei kushandisa maoko edu asi titoita zviya zvinoita mukuwasha naamabuya zvekukwazisana mumwe ari chinhambwe chemita kana kudarika. Mvura yekugeza maoko ngaive yakachena tichishandisa sipo kana dota negavakava, zvose zvinobatsira mukuuraya hutachiona hunokonzera Covid-19.” 

VaCraig vanokurudzira varimi kuti vadyewo chikafu chinovaka muviri, semiriwo yemashizha nemichero nekuti zvinobatsira kuti vawane Vitamin C iyo inosimbaradza masoja emuviri.

“Kuti uve murimi anokwanisa kubura goho guru hunge uine utano hwakanaka. Ngatipfekei mamasiki nenzira kwayo tichivhara muromo nemhuno uye toregedza kuungana mungava muzvitoro zvatinotenga midziyo yekurimisa. Covid-19 iriko uye inouraya, taimbonzwa zvichiitika kune dzimwe nyika asi iko zvino tava kuzvionera pamhuno sefodya nekuti vanhu vatinoziva vari kufa,” vanodaro.

VaCraig vanoti zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda mwaka uno, varimi vari kutarisira kuwana goho guru.

Share This:

Sponsored Links