Uncategorized

VARUME 100 VOROHWA NEMADZIMAI . . . Masamba asiyana

31 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
VARUME 100 VOROHWA NEMADZIMAI . . . Masamba asiyana VaWalter Vengesai

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira vanhurume rePadare/Enkundleni Men’s Forum rinoti nyaya dzekushungurudzwa kwevarume nemadzimai mudzimba dziri kuwanda panguva ino apo vanhu vari kugara kudzimba senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaWalter Vengesai, vanova director wesangano iri, vanoti mukati memasvondo maviri vari kutambira nyaya dziri pakati pe50 ne100 dzevarume vari kupotera kusangano ravo mushure mekurohwa kana kushungurudzwa nemadzimai.

“Panguva ino yekunzi vanhu vagare kudzimba tichirwisana neCovid-19, tiri kuona kuti kune varume vakawanda vari kurohwa kudzimba nemadzimai avo, vamwe vavo vachingonyarara asi vachikuvadzwa. Kushivirira ikoku kwagara kuriko kuvarume, vanofira muchinyararire sehwai.

“Asi tinoti varume ngavasanyara, ngavabude pachena vabatsirwe. Munguva inoita svondo kana masvondo maviri tiri kuona varume makumi mashanu kana zana vanouya kuzotsvaga rubatsiro vakakuvara apo vanenge varohwa nemadzimai avo kudzimba,” vanodaro VaVengesai.

Vanoti varume vanoshungurudzwa nemadzimai vakawanda vavo vanonyara kubuda pachena.

“Varume vari kushungurudzwa ava vamwe vanonyara kusekwa kuti varohwa nemadzimai saka havamhan’are nyaya dzakadai,” vanodaro VaVengesai.

Vanokurudzira vanhurume kuti kushungurudzwa hakuna mhosva kuti murume kana kuti mudzimai saka kunofanirwa kumhan’arwa kumapurisa.

“Nyaya dzemhirizhonga dzikaitika kumadzimai dzinokurumidza kusvitswa kumapurisa pane kunge varume vashungurudzwa sezvo vachishingirira variko kudzimba. Tinoti endai kunyangwe kumasabhuku ikoko kana kumakanzura nekumapurisa nemadzishe musungise vanenge vakurovai,” vanodaro.

VaVengesai vanoti ongororo yakaitwa nesangano ravo inoratidza kuti zviri nyore kuti mudzimai abude pachena kuti arohwa nemurume wake pane kuti murume azvifumure kuti arikitwa nemukadzi.

“Varume vazhinji kubva mumashoko atakawana vanoroverwa nyaya dzakaita sekunzi endai munotsvaga zvekudya pamusha kana kuti pane zvave kushomeka pamusha nezvimwewo,” vanodaro VaVengesai.

Vanoti kune vamwe varume vari kusvika pakutiza pamusha nekuda kwekushungurudzwa nemadzimai avo.

Kune varume vanoda kumhan’ara nyaya dzekushungurudzwa nemadzimai mudzimba vanogona kuridza nhare dzePadare dzinoti 0776 027 290 kana 0775 545 483.

Panguva ino yekunzi vanhu vagare kudzimba tichirwisana neCovid-19, tiri kuona kuti kune varume vakawanda vari kurohwa kudzimba nemadzimai avo, vamwe vavo vachingonyarara asi vachikuvadzwa.

Share This:

Sponsored Links