Uncategorized

Varume 2 vakafira mumugodhi

12 Dec, 2014 - 21:12 0 Views
Varume 2 vakafira mumugodhi

Kwayedza

Top1

VANHU vachitarisa mumugodhi makafira Prince Mbundire naFrancis Nzara. – Mifananidzo: Memory Mangombe

Kingstone Mapupu
VARUME vaviri vaiita basa rekuchera migodhi yemvura kunharaunda yekwaGarabha, kwaShe Chigwedere kuHwedza, vakafira mumugodhi panguva imwe chete svondo rapera munyaya inofungidzirwa kuti vakafema mweya unokuvadza wemadharameta ayo vaishandisa.

Vakashaika ava ndiPrince Mbundire (30) naFrancis Nzara, avo vaichera mugodhi pamusha paMapfumo, mubhuku raChawatama.

Mumwe wevaishanda nevaviri ava, Tatenda Mbundire (18), aiitwa muninin’ina waPrince, anoti vakatanga kuputitsa madharameta mumugodhi wavaichera nemusi wa29 Mbudzi ndokumbousiya.

Anoti vakazodzoka vachida kupedzisa basa ravo nemusi wa2 Zvita apo vaviri ava vakazofiramo.

“Mugodhi une matombo ataida kuputitsa uyu waiva wakareba mamita 16 uye sezvo makanga musina mvura taida kuti udzike tizobata mvura. Mukoma Prince naFrancis vakazofa vachikachidzwa nehutsi uyewo nekudonha pamanera vapera simba,” akadaro Tatenda.

Tsaona iyi anoti yakaitika mangwanani apo vakanga vachangotanga basa.

“Prince ndiye akatanga kupinda mumugodhi uyu ndokutadza kubatidza huswa kuti abatidze madharamete moto uchibva waramba kubvira. Akabva ashaya simba ndokudonha pamanera ataishandisa imomo achibva arovera padombo rimwe gumbo ndokuramba rakakochekera pamanera.

“Francis akapindawo achida kunoona zvaiitika mukati achibva afawo,” akadaro Tatenda.

Anoti akazopindawo iye achida kunoona ndokuwana vaviri ava vafa iye ndkubuda asi ava nedambudziko rekutadza kufema zvakanaka.

Nzara anonzi aishanda pamusha waZinyama Payarira kudunhu iri uye kumusha kwake aibva kuMhondoro.

Mitumbi yevaviri ava yakazoburitswa nemumwe murume akangozivikanwa saMakina, uyo anonzi akapotsa afenda apo aiva mumugodhi uyu anonzi akazoendeswa kuchipatara cheMt St Marys uko airapwa svondo rapera.

Mitumbi yevaviri ava yakaendeswa kumochari yechipatara cheMarondera uye pakadhindwa nhau ino Prince aitarisirwa kunovigwa kuHwedza uyuwo Nzara achinovigwa kuMhondoro.

Mudzimai waPrince, Edith Mashiri (23), uyo ari kuita kosi yehudzidzisi kuSeke Teachers College, akashaya chekutaura nekuda kwerufu rwemurume wake.

“Tine makore matatu tiri tose nemurume wangu. Takabatsirwa nemwana uyo asvitsa mwedzi 10 yekuberekwa. Ndarwadziwa, handizive kuti ndichawana kupi mari yekuti ndipedzise zvidzidzo zvangu, ndangosarirwa netemu imwe chete,” akadaro Mashiri.

Kudzai Mbundire (27), anova munin’ina waPrince, akati iyi itsaona chaiyo pasina kufungira zvimwe. Amai vaPrince, Mavis Mbundire (50), vanoti:

“Ndakazongonzwa nevanhu vakauya kuzonditora, asi vakanditaurira ndatosvika kumba kwaishandwa nevana uku. Ndinozvitambira nekuti vanhu vanofa zvakasiyana, hapana chakaipa chandinofungira.”

Amai vepamba paicherwa mugodhi wemvura nevarume ava, Mai Cathrine Jwanyira (32), vanoti vatatu ava vakanga vasvitsa svondo vachiedza kuputitsa matombo mumugodhi uyu.

“Varume ava pandakataura navo vachitanga basa vakati vaida US$20 pahora yoga-yoga yavainge vaputitsa. Vafa vasina kupedza basa ravo, ini ndakaremerwa kuti vanhu ava vafira pamba pangu. Handizive kuti mugodhi uyu ndichaushandisa here,” vakadaro Mai Jwanyira.

Murume wavo, Shelton Mapfumo, anoshandira kuSouth Africa.

Babamukuru vaPrince, Partson Taruvinga (73), vanoti vaitambira nhamo iyi setsaona.

“Prince munhu aizvishandira, inguva yake yanga yakwana zvekuti todii nevanhu vaishandirwa nemwana wedu zvichataurwa nekufamba kwenguva,” vakadaro VaTaruvinga. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vakati nyaya iyi yakange isati yasvitswa kumahofisi avo.

 

Share This:

Sponsored Links