Kingstone Mapupu
VARUME vaviri vaizvifambira mumugwagwa vachibva kunzvimbo yemabhizimisi kuGokwe vanonzi vakatakwa nematombo ndokufa vose nemumwe murume anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi.
“Tine nyaya inosuwisa zvikuru yevarume vaviri vakafa vachiita zvekutakwa nematombo nemurume ane makore 35 ekuberekwa watinofungira kuti murwere wepfungwa. Nyaya iyi yakaitika nemusi wa17 Chikunguru nenguva dza1700 hours padyo neBatanai Roman Catholic kuManoti, kuGokwe,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti Shekem Muromo (58) naBonface Gwatiringa (60) vaibva kunzvimbo yemabhizimisi yeManoti vachienda kumba apo vakaona Obvious Gwazani akagara padivi pemugwagwa asina kupfeka shati.
“Vaviri ava vakataurira Gwazani kuti apfeke hembe uyo asina kufadzwa nazvo achibva atanga kuenda kwavari nehukasha. Akatora dombo iro akashandisa kutema naro Shekem mumusoro kamwe chete achibva apunzika pasi ndokubva angofa ipapo. Akazonhonga mamwe matombo ndokuenda nawo kuna Gwatiringa uyo waakatema kakawanda panzvimbo dzakasiyana achibva apunzika pasi ndokufa zvakare,” vanodaro Insp Mahoko.
Zvose izvi zvinonzi zvakaitika mumaziso emumwe fata wechechi yeRoman Catholic uyo akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Mitumbi miviri iyi yakazoendwa nayo kumochari yechipatara cheGokwe South Hospital.
“Tinokurudzira hama dzevanhu vanorwara nepfungwa kuti vagare vachienda navo kuzvipatara vachinoongororwa nemachiremba uyewo nekuongorora hunhu hwavo nguva dzose,” vanodaro Insp Mahoko.