‘Varume tapfidza nekurohwa nemadzimai’

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Varume tapfidza nekurohwa nemadzimai’ Walter Chikanya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo Zimbabwe iri kuedza kurwisa nyaya dzemhirizhonga, varume vanonziwo vari kusangana nemhirizhonga dzakawanda zvisinei nekuti madzimai nevanasikana kunyanya ndivo vanowanzotambudzwa.

Nyika ino ichangobva kucherechedza nedzimwe nyika dzepasi rose 16 Days of Activism Against Gender Based Violence nechinangwa chekuderedza mhirizhonga.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe varume parutivi pamusangano weZimbabwe Community Health Intervention Research (ZiCHIRe-BC) – uyo une donzvo rekurwisa mhirizhonga pakati pevarume nevakadzi. Varume ava vanochema-chema nekushungurudzwa kwavanoti vari kuitwa nevanhukadzi.

VaNever Mujikwa (56), avo vanova sachigaro wesangano rinomiririra vanhurume rePadare Epworth Chapter, vanoshanda nevarume nevakomana mukurwisa mhirizhonga.

Never Mujikwa

“Hongu, madzimai akawanda anoti ari kusangana nemhirizhonga kupinda varume, asi varume vari kusanganawo nedambudziko iri zvakanyanya. Inyaya yekuti nekuda kwetsika nemagaririro edu uye makudzirwo atakaitwa, varume tinokura tichiudzwa kuti hatifanire kuchema kana kufugura hapwa. Tinongochemera mudumbu nekunyara uye chakafukidza dzimba matenga.

“Kune mhirizhonga dzinoitirwa varume nemadzimai dzinotyisa. Vamwe vanorohwa, kutukwa, kumanikidzwa kupinda munyaya dzapabonde, kushandiswa mabasa akaomarara kana kupondwa.

“Vamwe varume vanopedzisira vapata misha kana kuzvisungirira nekuda kwemhirizhonga idzi kana vachinge vashaya vanovapanga mazano,” vanodaro.

VaMujikwa vanoti mhirizhonga inokanganisa budiriro yenyika.

“Kutora zvinodhaka ndiro rimwe dambudziko guru muEpworth apo varume vazhinji vasina mabasa. Vanopedzisira vava kungodhakwa zvichikonzerwa nekushaya mari. Nokudaro, kuti vawane zvivindi pamusha sanababa, vanoona kuti kutosvika pamba vakadhakwa ndiyo nzira kwayo.

“Zvino panozobuda nyaya dzemhirizhonga apo mudzimai anenge oreva zvinhu zvinodiwa nemhuri,” vanodaro.

VaMujikwa vanoti ibasa rePadare rekupa dzidziso uye kusimudzira varume kuti vaite mabasa emaoko anovapa chouviri pamwe nekuvafundisa kuti murume chaiye haafanire kurova mudzimai.

VaWalter Chakanya vanova director kusangano reZICHIRe-BC vanoti vari kuita zvirongwa mumatunhu ose enyika nemadzimai, varume nevana vachivafundisa nzira kwadzo dzekurwisa mhirizhonga pamwe nekuvabatsira nemabhindauko anosimudzira upenyu hwavo pasi pechirongwa cheSpotlight Initiative.

Mhirizhonga dzakanyanya dziri kupenengurwa pasi pechirongwa ichi dzinosanganisira kuroorwa kwevana vasati vabva zera, kurohwa, kushaiswa kudya, kushaya pekugara pakanaka, kubvisa pamuviri nezvimwe.

Nasper Manyau (40) anova disability activist kusangano reImpaiment International Trust Interprenureship uye ari mumwe wevanhu vanorarana nehurema anoti kana nyika ikawaniswa zvivakwa zvakakwana, nyaya dzekushaikwa kwebudiriro kuvanhu vakaremara dzinoderera.

“Hongu takaremara seizvi asi nyaya dzemhirizhonga dzinouyaka kana zvivakwa zvakadai semigwagwa, mahofisi kana dzimba dzatinogara dzisina zvinoenderana nesu kuti tizvishandisewo zvakaenzana neavo vasina kuremara. Iyoyi imhirizhonga pachezvayo kwatiri nekuti pane nyaya dzekusarudzwa nekusaenzaniswa kwemikana muzvikoro, mumabasa nezvimwe zvine chekuita neburiro yenyika.

“Vanhu vakaremara havana minda, vanongopemha zvisinei nekuti vane zvipo zvakangofanana nevasina kuremara,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa neWorld Bank Report 2019 inoratidza kuti mhirizhonga dzinoderedza mabasa emadzimai nezvavanobura muupfumi hwenyika nechikamu che3,7 percent GDP.

Pasi rose, mudzimai mumwe chete pakati pevatatu anorohwa kana kumanikidzirwa kupinda pabonde, mumwe chete pakati pevashanu akambobatwa chibharo kana kuedza kubatwa chibharo uye mumwe chete pakati pevana vakazvitakura akambosangana nemhirizhonga inomuisa iye nemwana ari mudumbu panyatwa.

Pamusoro pezvo, madzimai 130 miriyoni pasi rose vakasangana nemhirizhonga yekuchekwa sikarudzi setsika nemagaririro nyambisirwa imhosva.

Gore rega-rega vanhu 800 000 vari kuendeswa kune dzimwe nyika zvisiri pamutemo vachinoshandiswa mabasa echipfambi pasina muripo uye chikamu che80 percent chavo madzimai nevasikana.

Zvakaonekwa zvekare kuti vapari vemhosva dzemhirizhonga vazhinji vacho vanopukunyuka ruoko rwemutemo zvinoita kuti varambe vachipara mhosva idzi.

 

Share This:

Sponsored Links