Uncategorized

Varume ‘vonanzvira’ mukadzi wekuGokwe

25 Jan, 2021 - 11:01 0 Views
Varume ‘vonanzvira’ mukadzi wekuGokwe Mambo Chireya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Chireya vekuGokwe North vanoti vave kuoneswa nhamo nekuridzirwa nhare nevamwe vanhurume vachitsvaga mudzimai anonzi ari kurambwa nevarume vanenge vamuroora nechikonzero chekuti akanyanya kunaka izvo zvinoita kuti pose paafamba varume vanomunanzvira.

Izvi zvinotevera nyaya yakabuda muKwayedza nemusi weChitatu svondo rino yekuti mudzimai uyu – Hilda Mleya (30) – akarambwa nemumwe mudzidzisi wekuGokwe ikoko uyo akange amuroora mushure mekunge amborambwa zvakare nemurume wake wekutanga nekuda kwerunako rwake.
Vose varume ava vanenge vachiti havasi kugadzikana nerunako rwemukadzi uyu sezvo vachityira kuti anokwanisa kukwakurwa nevamwe varume vanotorwa moyo naye.

Mambo Chireya VaHenry Chidzivo (54) vanoti nzeve dzavo dzave kuita sedzichapisa nekufonerwa nevarume vari kuda mudzimai uyu.
Mleya akatanga kurambwa naArnold Masuka (40) uyo akakwidza nyaya yake kudare raMambo Chireya achida kugura muchato apo aiti ari kutyira kuti mudzimai wake achamutorerwa, saka zviri nani kuti vagare vasiyana.

Masuka anoti pose paaifamba nemudzimai uyu, hana yake yairova nekuti varume vavaisangana navo vaicheuka vachimuyemura nekuda kwerunako rwake nekudaro aitya kuzomutorerwa.

Mushure mekunge arambwa naMasuka, Mleya akazoroorwa nemumwe mudzidzisi wepachikoro cheDambamazura kwakare kuGokwe asi ndokurambana zvakare murairidzi uyu achipa chikonzero chimwe chete cherunako rwaamai ava urwo runonzi runokwezva varume.

“Ndaoneswa nhamo nevarume vari kuda mukadzi uyu vachiti vanoda kumuroora. Vamwe vacho ndevane mazita makuru andisingagone kudura. Asi ini samambo, ndinoziva mudzimai uyu, mukadzi chaiye kwete wekutamba naye. Kana muno muGokwe handina kumbobvira ndakaona mukadzi akanaka kumudarika, handisati ndamboona zvakadaro ini,” vanodaro Mambo Chireya.

Mambo Chireya vanovimbisa kutsvaga mufananidzo wemudzimai uyu kuti vagoutumira kuKwayedza sezvo vachiti hakusi kufambika zvakanaka nekuda kwemvura iri kunaya yakawanda.

“Izvozvi ndiri kuGokwe Centre, panopera svondo rino ndinokutsvagirai mufananidzo wemudzimai uyu muuburitse mubepanhau vanhu vagozvionera. Ndazoona zvino kuti varume vanoda vakadzi vakomana, panyaya iyi ndanetswa.”

Mambo ava vanoyambira varume vari kuvaridzira nhare vachida mudzimai uyu kuti havadi vanhu vanomutambisa asi kuti vanoda kuvaka imba naye oitawo mhuri yake.

Kwayedza iri kufonerwawo nekutumirwa mashoko nevarume vari kuti vanoda mudzimai uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>