Uncategorized

Varwere 6 000 vapona

27 Sep, 2020 - 06:09 0 Views
Varwere 6 000 vapona Coronavirus

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 6 000 vapona kudenda reCovid-19 muZimbabwe kubva pakatanga chirwere ichi muno mumwedzi waKurume gore rino.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weChina svondo rino, vanhu 6 043 vange vapona kuchirwere chanetsa pasi rose ichi.

Kusvika musi uyu, Zimbabwe yange yava nevanhu 7 752 vawanikwa vaine neCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavanhu iavava, 227 vavo vakafa.

Dunhu reHarare, iro rine vanhu 3 249 vabatwa vaine chirwere ichi, ndiro rine vakawanda vapona vanove 2 006.

Harare inoteverwa neBulawayo iyo ine vanhu 1 278 vapona kubva pavarwere 1 421.

Matebeleland South iri pechitatu pahuwandu hwevanhu vapona vanove 587 pavarwere 758 veko.

Vanhu 27 vakawanikwa vaine Covid-19 nemusi weChina uyu mushure mekuvhenekwa uye 26 vavo vagara vari munyika muno apo mumwe chete wavo akabva kuGermany.

Zimbabwe iri kuita budiriro, kusvika pari zvino, mukurwisa kupararira kwechirwere ichi zvichitevera matanho akasimba akatorwa neHurumende ichibatsirana nemapoka akasiyana ekumisa kupararira kwacho.

Izvi zvaona Hurumende ichinyevenutsa mamwe ematanho akatarwa kurwisa Covid-19 aya.

Zvikoro, izvo zvakakasika kuvharwa munaKurume pakatanga chirwere ichi, zvakatotanga kuvhurwa nezvikamu.

Pamusoro pezvo, zvikamu zveupfumi zvinosanganisira chekushanyirwa kwenyika zvakavhurwawo uye ndege dzavakutenderwa kupinda nekubuda muno.

Zvisinei, veruzhinji vari kukurudzira kuti varambe vachitevedzera matanho akananga kumisa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Matanho aya anosanganisira kupfeka masiki kana munhu achienda panzvimbo dzinoungana veruzhinji uye kusaita chitsoko-tsoko.

Veruzhinji vanokurudzirwawo kukoshesa hutsanana nekugeza maoko avo nesipo nemvura inochururuka nguva nenguva.

Pamusoro pezvo, mutemo unorambidza veruzhinji kufamba-famba kubva nenguva dza8 dzemanheru kusvika na6 dzemangwanani (curfew) serimwe danho reHurumende rekurwisa Covid-19 uchiriko zvisinei nekunyevenutswa kwakaitwa nguva dzekuti vemabhizimisi vashande.

Nguva dzekuti vemabhizimisi nevamwe vakasiyana vashande dzakanyevenutswawo kuenda pa6.30 dzemangwanani kusvika na6.30 dzemanheru apo curfew inenge isati yatanga.

Vemakombi nemabhazi anofamba nzendo refu vava kuzotenderwa kudzoka mumugwagwa asi ndokunge vatanga vanyoresa patsva sezvava kudiwa nemutemo.

Share This:

Sponsored Links