Varwere 62 vapona Covid-19

17 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Varwere 62 vapona Covid-19 Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti kunyangwe zvazvo huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa vachiwanikwa vaine Covid-19 huri kukwira, mamiriro ezvinhu anoratidza kudzikama uye chiri kunyanya kudiwa pari zvino kusimbaradza nzira dzekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 62 pavarwere 391 vane Covid-19 Zimbabwe yose, vange vanaya.

Pavarwere ivava, vana (4) vavo vakafa.

Vachitaura kuvatori venhau muHarare nemusi uyu mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti sachigaro weAd-Hoc Inter-Ministerial Task Force on Covid-19 Vice President Kembo Mohadi vakatura gwaro repasvondo pamusoro pezviri kuitwa neHurumende mukurwisa chirwere ichi, iro rakagamuchirwa.

“Cabinet iri kuona kuti kunyangwe zvazvo huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi huri kukwira kana zvichienzaniswa nepakatanga chirongwa che’lockdown’, mamiriro ezvinhu anoratidza kudzikama. Uyu munongedzo wekuti tinofanira kusimbaradza nzira dzekurwisa kupararira kwacho, kunyanya takatarisana nevari kudzoka kubva kunze kwenyika kuitira kuti pasave nevakawanda vanobatwa nechirwere ichi,” vanodaro.

Vanoti vanhu vakawanda vari kubatwa vaine chirwere ichi ndevari kubva kunze kwenyika kusanganisira kuSouth Africa nekuBotswana.

“Pari zvino pane vanhu 2 352 vakabva kunze kwenyika avo vakachengetwa kunzvimbo dzakasiyana munyika. Chinangwa ndechekuramba pachivhenekwa vanhu ava, pachipatsanura vanenge vawanikwa vaine chirwere ichi nevasina vasati vaendeswa kumapurovhinzi kwavanobva,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti Cabinet yakaitawo hurukuro pamusoro pemishonga inonzi inogona kushandiswa kuvarwere veCovid-19 ndokuona kuti mimwe yacho haisati yave kushandiswa muZimbabwe nekuda kwekuti hamuna vari kurwara zvakanyanya.

“Panyaya yekushandiswa kwemishonga yakadai seHydroxychloroquine neAlpha Interferon, zvakajekeswa kuti Alpha Interferon haisati yoshandiswa sezvo pari zvino tisina vari kurwara zvakanyaya neCovid-19 munyika muno. Mushonga uyu unosevenzeswa kune vanorwarisa chete kwete vanenge vari pakati nepakati.”

Sen Mutsvangwa vanoti kushandiswa kwemishonga yechivanhu – yemuno kana yekunze – mukurapa Covid-19 kunofanirwa kuitwa chete mushure mekuongororwa kwayo zviri maringe nemutemo.

Share This:

Sponsored Links